Vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe People First, Zim PF, VaAgrippa Mutambara, vanoti vanotsigira hurongwa hwekuti mapato ezvematongerwo enyika anopikisa abatane mukubvisa hurumende yeZanu PF.
Varimi venharaunda yeNyanyadzi mudunhu reChimanimani vari kutarisira kutanga kurima zvegore rose mushure mekugadzirisa dambudziko remugero unofambisa mvura yemadiridzo avo kubva kurwizi Nyanyadzi wange wogara wakazara jecha.
Mumwe mushandi wekambani yemapuranga yeAllied Timbers maMutare amwa mushonga achida kuzviuraya senzira yekuratidza kurwadziswa kwaari kuitwa nekambani yeAllied Timbers iyo isiri kupa vashandi vayo mihoro yavo.
Mumwe mushandi weAllied Timbers maMutare, VaPfungwa Zhakata, amwa mushonga wemakonzo mushure mekunge kambani iyi yakundikana kubhadhara vashandi ava mari dzavo dzemuhoro.
Varimi venharaunda yeNyanyadzi mudunhu reChimanimani vanoti vari kutarisira kutanga kurima zvegore rose mushure mekugadzirisa dambudziko remugero unofambisa mvura yemadiridzo avo kubva kurwizi Nyanyadzi.
Vagari vekuManicaland vaudza mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kuti mubatanidzwa wemapato anopikisa ukabudirira, ivo VaTsvangirai ndivo vanofanirwa kumirira mapato ose musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa gore rinouya.
Vagari vekwaChiadzwa vari kuchema-chema nekushanduka kwaita hupenyu hwavo izvo zvopa kuti tsika yehupfambi nemamwe mabasa erima zvitekeshere munharaunda iyi.
Vagari vekwaMutare vari kunyunyuta zvakanyanya nekuunzwa kwaitwa maBond Notes vachiti hurumende yeZanu PF iri kuita zvisiri kudiwa neruzhinji rweZimbabwe.
Sangano reZimbabwe National Family Planning Council kana kuti ZNFPC rinoti madzimai mazhinji munyika ari kubata pamuviri zvisina kurongwa nenyaya yekushaya zivo.
Asi mhuri idzi dzinoti hadzisi kuzobvumira hurongwa hwekanzuru uhu dzichiti dzakatsikiswa bhanana pakuvimbiswa kupiwa pekugara kune imwe nzvimbo kusabhabha reDangamvura mushure mekubvisa mari kukanzuru iyi.
Kunyangwe hazvo vanopikisa vachiti bato reZanu-PF rapa kuti vana veZimbabwe vapinde mugena vari vapenyu, bato iri raramba riri panyanga kubva nyika zvayawana kuzvitonga kuzere muna 1980.
Veruzhinji vanofamba nemotokari maMutare vange vasina kujaira izvi saka vanoti danho iri richazunza homwe dzavo idzo dzakaboka kare nemamiriro akaita nyaya dzehupfumi munyika.
Mhuri dzinodarika mazana matatu dzakatarisana nedambudziko rehuruva iri kupfumburwa nekucherwa kwemangoda uye nedzimotokari dzekambani iyi dziri kushandira mumisha inogara vanhu ava avo vasati vatamiswa.
Vagari vekwaMutare vanoti komiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemari yebhajeti yegore rinouya iyo iri kufamba ichinzwa pfungwa dzevanhu iri kutambisa hayo nguva sezvo hurumende iri kuita zvehuori uye yakakurisa.
Vanhu vanorarama nehutachiwana hweHIV muManicaland vangangosvika zana nemusi weChishanu vakaratidzira vachinyunyuta nekuda kwemari dzemutero yakwidzwa dzavanonzi vabvise muzvipatara zvekanzuru.
Vakabviswa kuminda yemangoda kwaChiyadzwa votora dzimba dzeMarange Resources nechisimba.
Vamiri venharaunda dzeMusikavanhu neChipinge South mudare reParamende VaProsper Chapfiwa Mutseyami naVaEnock Porusingazi, vanoti vari kushushikana zvakanyanya nekuda kwevapoteri vari kubva kunyika yeMozambique vachiuya muZimbabwe munzvimbo dzavo.
Amai Mujuru vakataura mashoko aya munhandare yeSakubva kuno kwaMutare nemusi weMugovera kumhomho yevatsigiri vavo pamusangano wavo wekutanga mudunhu reManicaland kubva pavakaumba ZimPF.
Vanhu vakawanda muChinhoyi neMutare vateerera kurudziro yekuti vanhu vasaende kumabasa sezvo zvitoro zvakawanda, mabhangi nezvipatara zvanga zvakavharwa.
Mumwe murume wekuWatsomba kuMutasa Central mudunhu reManicaland akakwanisa kugadzira pombi inotora mvura munzizi kana mumadhamu ichizoshandiswa mudzimba kana vanoda kuita zvekurima vachishandisa madiridziro kunyanya munharaunda dzinonaya mvura shoma uye vaya vanogara munzvimbo dzakakwirira.
Rodhai zvimwe