Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuArda Vakabviswa kwaChiyadzwa Votora Dzimba dzeMarange Resources neChisimba


Dzimba dzeArda dzakatorwa.
Dzimba dzeArda dzakatorwa.

Mhuri dzinosvika makumi mashanu nenhatu dzakatamiswa kubva kwaChiadzwa mushure mekuwanikwa kwemangoda dzichiendeswa kunogariswa patsva kunzvimbo yeArda Transau kwaOdzi kumawirira kweguta reMutare nemusi weChina dzakarovera moyo kudombo ndokupinda mudzimba dzakavakwa nekambani yemangoda yeMarange Resources zvechisimba.

Mhuri idzi dziri kunyunyuta nerekuti dzaneta kurindira guyo sembwa dzakatarisira kupihwa dzimba idzi kuti dzigare zvakanaka nemhuri dzavo.

VaAntony Mwashita mumwe wevagari vakatora dzimba kuArda Transau vanoti nguva yareba pasina chirikufamba.

“Zvakangoomawo ini sekuti ndiri baba vane mhuri yakura nevana vatatu, vasikana vaviri nemukomana mumwe uye vabva zera."

Amai Euna Mwashita vanoti vamhanyirawo kundotora imba yavo nekuda kwekuti pavaigara vange votatsurana navanatete, hanzvadzi dzemurume wavo apo pange ponetsa kugara. Vanoti chimwe chavapa shungu iyi kunyeperwa kwavanoti vange vachiitwa kwatora makore akawandisa.

”Ini handingarambi ndichigara navanatete mu-one house, vakadzi vatatu vachibikira muimba imwe hazviiti, ndange ndiine imba ini, ndaona zvakakodzera kuti ndigare muimba iyi yakavakwa nemakambani aichera madiamonds akatitamisa kuuya kuno, imba idzi ndedzehurumende."

VaPeter Munjoma vanoti havangasaririre segotsi.

“Ndabata imba iyi nekuti haa nguva yacho yareba zvisati zvaitwa izvi, mhuri yangu yakura property yangu haichina pokugara nekuti dzimba dzacho dziri kungoparara pasina anogara, saka tati regai titore hedu dzimba dzacho apo takanzi sanai kuenda nevabereki tichakupai imba nepamberi apo.”

VaReuben Kusena vanotsinhira mashoko aVaMunjoma maringe nekutora dzimba dziri kuArda Transau.

“Chaita kuti titore danho irori rekupinda mudzimba idzi inhau yemakore atatora tisina kupihwa dzimba idzi anosvika six, saka tatoona kuti zvitori nane tipinde hedu nekuti dziri kuparara dziri kungotsva saka tati kubva takaputsirwa dzimba dzedu uku tauya kuno hatina kupihwa imba dzacho tatora dziripo.”

Amai Mary Sunguro mumwe wemadzimai ari kuArda Transau vapindawo mudzimba kwaOdzi nhasi.

“Tave nenguva tichingoovimbiswa pekugara pakanaka asi hapana chiri kubuda mazviri, muimba idzi mava kugara mbudzi, mombe, nehuku vamwe vave kutoitira mabasa akasarurama mudzimba idzodzo isu vanhhu tisina pekugara pacho"

Mudzviti wedunhu reManicaland VaFungai Mbetsa vange vasiri kudavira nharembozha yavo apo Studio 7 yaedza kuvabata kuti tinzwewo divi ravo panyaya.

Gurukota rinoona nezvedunhu reManicaland Muzvare Mandi Mandiitawepi Chimene vanzi vange vari mumusangano.

Hatinawo kukwanisa kubata vakuru vekambani yeMarange Resources vakavakisa dzimba dzapambwa nhasi nevagari vekuArda Transau.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG