Accessibility links

Breaking News

VaGari vekwaChiadzwa Voshushikana neGuruva Riri Kumbumurwa neKambani iri Kuchera Mangoda


vanhu vaichera mangoda kwaChiadzwa
vanhu vaichera mangoda kwaChiadzwa

Vagari vekwaChiadzwa kwaMarange mudunhu reManicaland vanoti vari kushushikana zvikuru nehuruva iri kubva pakucherwa kwemangoda nekambani yeZimbabwe Consolidated Diamond Company, iyo iri kuchera chiwanikwa ichi mumisha inogara vanhu.

Mhuri dzinodarika mazana matatu dzakatarisana nedambudziko rehuruva iri kupfumburwa nekucherwa kwemangoda uye nedzimotokari dzekambani iyi dziri kushandira mumisha inogara vanhu ava avo vasati vatamiswa.

Mumwe vevagari wekwaChiadzwa ndiMbuya Rebecca Chishingwi vari mubhuku raSabhuku Mkwada kwaChiadzwa. Ambuya ava vanoti vava kutyira hutanho hwevana vavo uye nevazukuru vavo nekuda kwehuruva iri kupfumburwa iyi.

Vanoti vave nenguva yakareba vachiendesa chichemo ichi kuvakuru vekambani yeZCDC asi pasina matanho ari kutorwa.

Ambuya Chishingwi vanoti mamwe makambani aimbochera mangoda kwaChiadzwa asati amiswa aipota achitotesa nemvura migwagwa yavanoshandisa uye vaisaitira mabasa avo pedyo nekunogara vanhu.

"Kwedu kwaChiadzwa tine dambudziko guru nenyaya ye dust riri kubva kuri kumainiwa, husiku kana manheru tinenge tichingokosora nekuda kwe dust irori saka taida kunzwa kuti hapanawo here zvingaitwa kuti tibatsirikane. pamusoro pezvo vana vedu varikushayiswa mabasa pakare."

Ambuya Chishingwi vanoti zvakare vagari vakawanda vari kurwadzikana nemakomba ari kusiiwa asina kufushirwa munzvimbo mavo izvo zvine njodzi kwazvo.

"Vanhu vazhinji vakatorerwa minda havana kubhadhrarwa, dust iroro ririkutikanganisa kwazvo plus vari kusiya makomba ari kuita kuti zvipfuyo zvedu zviwire imomo, saka tinoda kunzwa kuti hurumende iri kuzvionawo seyi?" Mbuya Chisingwi vanobvunza.

VaMalvern Mudiwa ndivo sachigaro wesangano rinorwira kodzero dzevagari venharaunda iyi reMarange Development Trust, MDT.

VaMudiwa vanoti nyaya yekupfumburirwa huruva kuvanhu venzvimbo iyi yanyanyisa kwazvo, uye vave kutokumbira kuhurumende kuti ipindire panyaya iyi.

"Nyaya ye dust yakaipisisa zvakanyanyisa nekuti mukaona zvakaita pamusha waSabhuku wenharaunda Tinoengana yava kuda kutofushirwa nemakomo nemakomo emavhu ekubva pari kucherwa madiamonds neZCDC. nyaya iyi inoda urgent attention like now.

Dust riri kubuda harina kumira mushe, tiri kutotyira vana vaaffectwa up to now saka hurumende ngaimbomisa mabasa ekambani iyi kusvikira yagadzirisa izvi, uye hatikfungi kuti n dizvo zvakaumbirwa kambani iyi kukanganisa magariro akanaka evanhu,"

Sabhuku venharaunda iyi VaTanyiswa Tinoengana vanoti vapererwa nezano sezvo vechidiki varivo vakanyanya kutarisana nenjodzi yezvirwere. Sabhuku Tinoengana vanoti vanotarisira kuti vakuru vekambani iri kuchera mangoda vateerere kuzvichemo zvevagari kwete kuisa rudo rwavo rwemari kumberi.

"Vana vechidiki vachashaya chekuita nekuti vachakura vaine hosorwa isingaiti. Tiri kuda kuti hurumende ipindire panyaya iyi, nekuti tinoziva kuti kuchera zviwanikwa kwakavamba kare tinozviziva asi tinoda kuti vatibatsire panyaya iyi nekuti ikri kutikanganisa kuno. ngavambomira kuchera votanga vagadzirisa iyi nyaya."

Studio 7 haina kukwanisa kutaura nevakuru vekambani yeZCDC kuti tinzwe divi ravo pamusoro penyaya iyi kunyangwe hazvo pange pane matanho ekuedza kuvabata parunhare nhasi.

Takundikanawo zvakare kubata gurukota rinomirira dunhu reManicaland Muzvare Mandi Chimene pamusoro penyaya iyi uyewo mudzviti VaFungai Mbetsa vedunhu rino.

Chiremba mukuru wedunhu reManicaland Matron Mafaune vanoti zvirwere zvinosanganisira asthma, chikosoro, nezvimwewo zvinowanikwa nekuda kwekugara nguva refu vanhu vachifema mweya kana mhepo ine huruva.

Vanoti veruzhinji vakatarisana neizvi vanosungirwa kunoongororwa kuchipatara nekukurumidza kuitira kudzivirira njodzi.

Nyaya ina Loidharm Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG