Accessibility links

Breaking News

Matunhu ekuManicaland Oremerwa neVapoteri Vari Kutiza Hondo kuMozambique


Mhuri dziri kutiza hondo munyika yeMozambique dzichinogara muZimbabwe
Mhuri dziri kutiza hondo munyika yeMozambique dzichinogara muZimbabwe

Vamiri venharaunda dzeMusikavanhu neChipinge South mudare reParamende VaProsper Chapfiwa Mutseyami naVaEnock Porusingazi, vanoti vari kushushikana zvakanyanya nekuda kwevapoteri vari kubva kunyika yeMozambique vachiuya muZimbabwe munzvimbo dzavo.

VaMutseyami pamwechete navaPorusingazi vakaudza Studio 7 kuti mhuri dziri kutiza kurwisana kuri kuitika pakati pemauto ehurumende yebato irikutonga eFrelimo nevebato rinopikisa reRenamo kwapa kugeda-geda kwemeno kunzvimbo kwavo.

VaMutseyami vanoti mhuri dzinosvika mazana matatu parizvino dzakapotera kunzvimbo yeMusikavanhu kudunhu reChipinge kumabvazuva kwakadzika kumaodzanyemba kweZimbabwe. Nhengo yeParamende iyi inoti mhuri idzi hadzina pekutangira sezvo misha yavo yakapiswa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato reRenamo.

"Ehoo, tine dambudziko rakadaro revanhu vari kubva Mozambique kubva kumaeriya akaita sana Zamuchiya, kueriya yekwaHakata, eriya yeMusikaanhu neeriya yeTuzuka tine anhu akadaro akabva Mozambique.

"But dambudziko riri kuitika ndere kuti vanhu vari kubva Mozambique nekuti vari kuvhiringidzwa ngendaa yekuti waisapota party ipi panguva yema elections uye kuti uri kugara ku area iri yakahwinha pamaelections acho," VaMutseyami vanodaro.

VaMutseyami vanoti mhiri dzkatarisana nedambudzi iri rehupoteri dzakawanda zvikuru zvekuti vanopfuura mazana matatu.

"Ndisingadi kutarisa zvakanyanya asi ndiri kuona kuti nedambudziko iri kukura kwariri kuita nepataari zvine izvi ndinofunga kuti vanhu va afekitwa tichi tarisa kunanaMabee kuChipinge South, kunanaHakata kunanaZamchiya, kunanaMuumbe, shuwa pari zvino vavakudarika kunana300 families, asi vari munzvimbo dzakasiyana asi vamwe vacho vane hama muno muZimbabwe."

Vanoti izvozvi vanhu ava vakapotera vatarisana nenzara ikoko kunharaunda kwavo kusina kuibva mwaka uno uye vapoteri ava varikungogara chero pavawana kunyangwe nemuminda yevanhu vemuZimbabwe izvo zvopa mabopoto.

"Vanhu ava vari kuuya vachi kumbira pekugara kubva kumadziSabhuku asi tiri kutarisira kuti vazopedzisira vava kuTongogara Refugee camp asi vazhinji havasati vaenda. Kugara kwacho kunophlupa ngekuti vanenge vachienda koaka pamunda pemunhu vokumbira kana pamuzi pemunhu vechigara but chekudya hapana uyezve chedya chizhinji chakapara kanyi kwavo uye zvekupfeka."

Mumiriri weMusikavhu uyu anoti imwe nyaya irikunetsa ndeyevana vevapoteri ava vasiri kuenda kuchikoro zvichisakiswa nepavari zvino uye nemitauro yasiyana.

"Rimweni dambudziko riripo nderekuti pavanhu varikuuya ava pane vana vane zera diki rekuti vaienda kuchikora saka zvineizvi vana ava havachakwanisi kuenda kuchikora ngendaa yekuti vakabva Putukezi saka idambudziko.

"Imweni inyaya yedambudziko yemutauro wedu language ikweyo aireketa chiPutikezi unono tinoreketa chiYungu tinoreketa chiNdau amweni anoreketa chiDanda amweni anoreketa chiHlengwe amweni acho anoreketa chiNdau tinenge tichizwana.

"Tiri kuda kuti Hurumende ipinde ichi kumbira international community kuti ipindire inge ichibatsirawo kuti vanhu ava vakwanise kuwana chekudya, chekufuka, chekupfeka pekuata pakana nekufunda," VaMutseyami vanodaro.

Ukuwo, VaPorusingazi vanotiwo nharaunda yavo, iyo inoganhurana nenyika yeMozambique yava nevapoteri vakawanda.

"Tiri kusangana nevapoteri vazhinji vari kubva kuMozambique vachitiza hondo kona iyoyo sezvo tichiganhurana navo kuno kuboarder. Vanenge vauya unono vanobva vatokaka tumisasa twavo kanyi. Isuwo hapana zvatingaita sezvo takambiitizawo hondo kare pahondo yechimurenga saka vari kugarawo hawo," VaPorusingazi vanodaro.

Va-Porusingazi vanoti chichemo chavepo ndechekuti masangano anobatsira vapoteri apindire nyaya iyi pamwechete nehurumende yenyika yeZimbabwe.

"Tinovaashira vapoteri ava sezvo teswe tiri anhu, asi chikuru kuti tochizokoka mapazi anoshanda akazvimirira maNGOs pamwepo nehurumende kuti ashandidzane kuedza kupedza dambudziko riripo iri.

"Raki riripo nderekuti muzinda mukuru wema refugees uri ikweyo kuTongogara. Ininiwo saMP chendinoita kuvaashira ndechiendesawo pashoma pandinenge ndinapo kuti vasafukama nenzara vari muno munyika," VaPorusingazi vanodaro.

Kurwisana kuri kuitika kunyika yeMozambique kwakapa kuti masvondo mashoma apfuura mumiriri weBuhera South mudare reparamende VaJoseph Chinotimba uye VaHurbert Nyanhongo veNyanga vabvunze mudare reparamende gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwenyika VaSydney Sekeramayi kuti vari kuiteyi kuti nyika inge yakachengetedzeka.

VaNyanhongo vakaudza dare iri kuti vari kushushikana zvikuru nekuda kwekuti pane runyerekupe rwekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvange zvave kutorwa kunharaunda yavo zvichinobatsira vanonzi vari kupandukira hurumende yeMozambique.

Asi VaSekeramayi pamwechete negurukota rezvedunhu reManicaland Muzvare Mandi Chimene vakati vachiri kuongorora chiitiko ichi, vachiti vari kushanda pamwechete nehurumende yenyika yeMozambique.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG