Accessibility links

Breaking News

Vagari vekwaMutare Vochema Chema neMari dzeKupaka Motokari


Mutare
Mutare

Veruzhinji vanofamba nemotokari maMutare vange vasina kujaira izvi saka vanoti danho iri richazunza homwe dzavo idzo dzakaboka kare nemamiriro akaita nyaya dzehupfumi munyika.

Ukuwo vakuru vekanzuru yeguta iri vanoti zvavari kuita izvi zvichabatsira kuti vakwanise kupedza zvikwereti zvavainazvo kuvashandi nevamwe vanovaitira mabasa uye kuti muguta munge muchishambidzika.

VaPeter Mamvura mugari wemuguta iri vanoti danho ratorwa nekanzuru iri harina nematuro ose.

“Zvinofanirwa kunge zvichiitika kuti zvemapre-paid izvi zvinge zviripo chete kuedza kuisa order muguta nekuti motokari dzinge dzakarongeka mukumira kwadzo kwete kuti riitwe sedanho rekutsvaga mari sezviri kuitwa nekanzuru iyi. Mari inokwanisa kutsvaga nedzimwe nzira kwete zviri kuitwa izvi kuti pose pose pave kunzi tibhadhare mari kumisa motokari.”

Mumwe mugari wemaMutare mumusha weWestlea VaLuke Rowa vanoti kanzuru yaifanirwa kusiya dzimwe nzvimbo dzekuti motokari dzipakiwe pachena kuitira vaye vanenge vasiri kuda kutora nguva refu vari panzvimbo.

“Sekuona kwangu kanzuru haifaniri kuti nzvimbo dzose dzinge dzichibhadharwa kumisa motokari sezvavave kuita izvi, at least paifanirwa kunge paine pamwe patinopakawo mota for free imomo muguta macho.” Vanodaro VaRowa.

VaJacob Mhaka vanobvumirana naVaRowa, “Taifanirwa kusiyirwawo padiki pokuti tinge tichimisawo motokari dzedu nekuti zvavepo izvi zvonetsa.”

VaThomas Zongoroti vanogara kuFlorida muno maMutare, uye vanoita basa rekutengesa zvakasiyana-siyana vanoti vave kutoita zvekupaka motokari musango kana mumasendiraini.

“Mazuva ano zvave kutonetsa kuti timise motokari muTown nekuti mapurisa ekanzuru ari kutishungurudza. Mukaona mafaindi acho e$30 haisi mari yekutamba nayo apa vanhu mazuva ano hatina kana cent , inobvepi mari yacho panguva ino?” vanobvunza VaZongoroti

Muzvare Jacquiline Tsepho anebhizinesi rezvinotengesa zvinodhaka muguta reMutare anoti kuita uku kuchamukanganisira bhizinesi rake rebhawa uye nerebhuchari.

“Aaah we are not happy at all, coz you see kana munhu achida kutenga chinhu chedollar mushop then odzoka aclampiwa saka zvinorevei haa, hazviiti.” Anodaro muzvare Tsepho.

VaDavid Mutambirwa vesanganoi revagari vemugura reMutare reMutare Residents and Ratepayers Association vanoti zviri kuitwa nekanzuru zvinosuwisa kwazvo uye vanoti vatoronga kuti vazosangane nemakanzura pamwechete nameya uye munyori weguta kuti vavape zvichemo zvavo.

Meya weguta reMutare VaTatenda Nhamarare vanoti kanzuru yavo iri kutsvaga chouviri; saka nyaya yemapre-paid parking zones imwe yenzira yekuita izvi kuitira kuti vapedze zvikwereti zvine guta iri zvimwe zviri muvanhu, makambani uye nekumapazi ehurumende.

“Sekanzuru takatora danho iri senzira yekuti tiwane mari yekugadzirisa nzira dzedu sezvo muchiziva kuti imwe yatakapiwa neZinara iri shoma mukuitira kuti migwagwa yedu inge yakanaka pamwechete nekuita odha muguta racho.” VaNhamarare vanodaro.

Meya Nhamarare vanoti kanzuru yavo iri kuwana madhora ari pakati pezviuru gumi nezvishanu kusvika pazviuru makumi maviri pamwedzi woga woga kubva kumitero yekupaka motokari muguta.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG