Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yopomerwa Mhosva yeKushandisa Mhirizhonga Kuti Irambe Ichitonga


Kunyangwe hazvo vanopikisa vachiti bato reZanu-PF rapa kuti vana veZimbabwe vapinde mugehena vari vapenyu, bato iri raramba riri panyanga kubva nyika zvayawana kuzvitonga kuzere muna 1980.

Ko chii chaizvo chiri kupa kuti bato iri rirambe richitonga? Vamwe vanoti bato iri rinoshandisa mhirizhonga uye kushandisa mauto nemapurisa mukutsvaga rutsigiro munguva yesarudzo.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotiwo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kuramba vari panyanga nenyaya yekuti vanhu vaneta nekunovhota musarudzo dzavanofunga kuti dzakabirirwa.

Vamwe ndovanotiwo bato iri riri kutonga nekuti mapato anopikisa indonda munyaya dzezvematongerwo enyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Dr Irvin Mbengo avo vanove murwiri wehondo yerusununguko vanoti nyaya yekuti mutungamiri wenyika varobert mugabe nebato ravo reZanu-PF varambe vachitonga inyaya yekuti vane nhoroondo yekusunungura nyika.

“MuZanu PF mune vanhu vakaomeswa moyo panguva yehondo. Munoziva kuti panguva yehondo iyi vanhu vekumaruwa vakaona chitsvuku, zvekare ikoko kumaruwa ndiko kune rutsigiro rwakasimba rwebato iri.” Dr Mbengo vanodaro.

Dr Mbengo vanoti dzidziso iri muvanhu vazhinji kumaruwa panyaya yehondo yerusununguko yakadzika midzi zvakanyanya zvekuti vakawanda vanobvumirana nezvegwara reZanu PF kunyangwe hazvo vamwe vava nedzimwe pfungwa asi hwaro hwebato reZanu PF hwakadzika muvazhinji zvisineyi nekukanganisa kungangowanikwa mukuzadzikisa tarisiro yevazhinji.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaBrighton Banda vanoti kugara kwaVaMugabe pachigaro kwenguva yakareba inyaya yekutonga nedemo.

“Tichitanga kuma1980 VaMugabe vakatanga vachiita zvinhu zvinotarisirwa vachiita gutsaruzhinji asi kubva makore gumi nemashanu apfuura VaMugabe vakange voita sarudzo dzekubiridzira zvaibuda izvo zviri kubatsira kuti varambe vari pachigaro kusvika izvezvi. Chikonzero chimwe chaita kuti varambe vari panyanga kushandiswa kwevemauto, mapurisa uye vasori munyaya dzesarudzo.”

VaBanda vanoti veruzhinji havachina chivimbo nekuenda kusarudzo izvo zvinopa kuti Zanu PF irambe iri pachigaro .

“Maelections anobiridzirwa, kepiri vanhu hachina chidakadaka nekuenda kumaeelections sezvo vachiona zvavanenge vavhotera zvisirizvo zvinobuda. Mapato ezvematongerwo enyika mazhinji havawaniswi mukana wekuzvishambadza mungave mumanhepfenyuro ukuwo kutyisidzirwa kwenhengo dzavo kwakanyanya zvikuru zvinodzosera mabasa avo shure.”

Mashoko aya anotsinhirwao naVaTemba Mliswa avo vakakunda bato reZanu-PF musarudzo dzichangopera dzekuNorton.

Mashoko aya anotsinhirwawo nemutauriri webato reMDC-T VaObert Gutu avo vanoti mapurisa nemauto vanotyora mutemo wenyika nekupindira munyaya dzwezvematongerwo enyika vachitsigira Zanu-PF.

Vanopikisa vanoti veruzhinji vanozivikanwa kuva vatsigiri vemapato anopikisa vanotyisidzirwa munguva yesarudzo vamwe vachirohwa, kupambwa, kubhinyiwa, kubatwa chibharao, kukuvadzwa nedzimwe nguva kuurayiwa mumhirizhonga yezvematongerwo enyika vamwe vachitsakatiswa sezvakaitwa vaItai Dzamara nevamwe vanechitsama.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Dr Willard Mungure vanodzidzisa paAfrica University vanoti VaMugabe neZanu PF vachiri panyanga nenyaya yezvinhu zvakasiyana siyana zvinosanganisira hunhu hwaVaMugabe negwara ravo munyaya dzezvematongerwo enyika.

Dr Mungure vanoti VaMugabe neZanu PF vakwanisa kuramba vari pachigaro kwenguva yakareba kudai nekuda kwekuti varwiri vehondo yerusununguko varamba vakangoita musambangwena nebato iri kunyangwe nemunguva yekunetsa kwezvinhu sevanhu vanepfungwa imwe chete.

“Pari zvino zvinonetsa kuti vazhinji vataure zvakaipa zvakaitwa naVaMugabe panguva iyo vachiri pachigaro; nhoroondo yeZanu PF yakanaka neyakaipa yakaitwa zvakare nebato iri yakareba zvekuti vakuru vayo vanovimba nepfungwa imwechete yekuti vakarwira nyika ino nekudaro vacharamba vachitungamirira nyika ino.

Ideology yeZanu PF ndeyevanhu vanorwira chimwechete vaine pfungwa imwe kunyangwe vachipokana zvavo neimwe nguva asi vanoita chisungo chevanhu vamwechete nguva zhinji.” Vanodaro Dr Mungure.

Asi mutauriri wesangano revarwi vehondo yerusununguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaDouglas Mahiya vanoti muchato wavo neZanu-PF hwakasvika kwamvura yacheka makumbo vakapanana gupuro.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti Zanu PF pamwe chete naVaMugabe vanoshandisa kugoverwa kwezvekudya munguva yenzara mukutsvaga vatsigiri kunyanya apo sarudzo dzinenge dzave pedyo.

Chikafu ichi chinogoverwa kuvatsigiri vebato iri dzimwe nhengo kana vatsigiri vemapato anopikisa vachinyimwa, izvo zvinopa kuti bato iri riwane rutsigiro nevanenge vachida chekudya.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition vanoti nyaya yekushandisa chikafu musarudzo imwe nzira yekubirira iri kushandiswa neZanu-PF.

Sangano reZimbabwe Human Rights Commission rakaburitsawo izvi muongororo yavo yekugoverwa kunoitwa chikafu munyika.

Vamwe vanotiwo nyaya yekutadza kubatana kwemapato anopikisa ndiyo iri kupa kuti Zanu-PF ipote ichiita madiro aJojina. Mashoko aya anotsinhirwawo naDr Pedzisai Ruhanya mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute.

Zvinhu munyika hazvina kumira zvakanaka. Vanopikisa vanoti Zanu-PF ndiyo yaendesa hupfumi hwenyika kwamupfiganembwe.

Asi veZanu-PF vanoti nyaya yezvirango zvakatemerwa nyika nenyika dzekunze ndizvo zvapa kuti zvinhu zviipe. Asi vanopikisa vanoti huwori nemitemo isina kujeka zvapa kuti Zimbabwe iite seyakageza negoka munyama.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG