Accessibility links

Breaking News

MDC kuManicaland Inoda Kuti VaTsvangirai Vatungamire Mubatanidzwa weMapato


Supporters of the MDC-T
Supporters of the MDC-T

Vagari vekuManicaland vaudza mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kuti mubatanidzwa wemapato anopikisa ukabudirira, ivo VaTsvangirai ndivo vanofanirwa kumirira mapato ose musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa gore rinouya.

Mumwe wevatungamiri vapinda mumusangano uyu, Mbuya Mauchaza Dhliwayo, vati nhaurirano pakati pemapato kuitira kuti ashande pamwe chete munguva dzesarudzo, dzinofanirwa kuitwa nemapato ane muonero mumwe neMDC-T.

Vatiwo MDC-T inofanirwa kubatana nebato rine vanhu vakawanda, kwete kubatana nevatungamiri vemapato vasina vanhu.

Asi imwe n’anga yange iri pamusangano uyu inozivikanwa nerekuti Dick Dhliwayo inoti vamwe vanhu vakumbira kuti mapato abatane oshandire pamwe chete, asi VaTsvangirai vari mukuru wemubatanidzwa wemapato ezvematongerwo enyika uyu.

VaSongani Mubatanhema, mwanakomana waMambo Makumbe vekuBuhera, vati vaudza VaTsvangirai kuti zvakakosha kuti madzimambo abatwe zvakanaka sezviri mubumbiro remitemo yenyika.

VaTsvangirai vari kushanyira matunhu ose munyika vachida kunzwa pfungwa dzevanhu panyaya dzakasiyana-siyana kusanganisira hurukuro dzekubatana kwemapato ezvematongerwo enyika apo sarudzo dzegore rinouya dzoswedera.

VaTsvangirai vati vanhu vazhinji vari kungochema nenyaya imwe chete inogara ichingoitika apo nyika yatarisana nesarudzo yekutyisidzirwa uye yekushayiswa chekudya kunhengo dzemapato anopikisa hutungamiriri hweZanu PF yaVaRobert Mugabe.

VaTsvangirai vatiwo vazhinji vari kuvaudza kuti vari kutyira zvakare kuti sarudzo idzi dzingangobiridzirwa zvakare sezvagara zvichiitika nguva dzose nekuda kwekuti Zimbabwe Electoral Commission izere vasori, vemuchiuto, chipurisa uye nhengo dzebato riri kutonga, reZanu PF.

VaTsvangirai vatiwo vanhu Havana chivimbo nevaongorori vesarudzo veSADC sezvo ichichenesa sarudzo dzinenge dzakabiridzirwa.

VaTsvangirai vange vachitsigirwa nemumwe wevatevedzeri wavo, Engineer Elias Mudzuri, munyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora nevamwewo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG