Accessibility links

Breaking News

Vagari vekwaMutare Vokurudzira Hurumende Kubvisa Mamwe Mapazi eHurumende

VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Vagari vekwaMutare vanoti komiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemari yebhajeti yegore rinouya iyo iri kufamba ichinzwa pfungwa dzevanhu iri kutambisa hayo nguva sezvo hurumende iri kuita zvehuori uye yakakurisa.

Vagari vekwaMutare vari kukurudzira hurumende kuti ibvise kana kubatanidza mamwe mapurazi ehurumende sezvo akawandisa zvopa kuti hupfumi hwenyika huende kumawere.

Vachitaura kukomiti yeparamende iyi, mumwe mugari wemuguta iri VaJames Mundenda vakati hurumende inofanira kusunga dzisimbe uye inofanira kubvisa mamwe mapazi.

“One recommendation ndeyekuti government yedu it’s too large for our economy. If we were to cut down on those expenses we would not have problems. We have a lot of duplication of work ambotaurwa pakuti ministry of education and then higher education, tangai mazvikata ikoko before mauya kuno kumamwe macivil servants,” Vanodaro VaMundenda.

Pastor Jonathan Chindewere vanotiwo huwori huri munyika hwanyanyisa kunyanya kuvakuru wehurumende hwapa kuti zvinhu zviminame.

“Huwori huwori hwanyanyisa muno muZimbabwe, hwave kusvika nekudenga chaiko, kunyangwe tichiti takadzidza sei hapana zviri kuitwa. Nekuti tikafunga kuti $15 billion yakanyangarika muno tichiti takadzidza kudai hazvienderani,” Pastor Chindewere vanodaro.

Muzvare Mildred Muza vanoti hurumende ine vamwe vashandi vasina zvavari kuita asi vachihoreswa mari kupera kwemwedzi.

Imwe nhengo yeparamende inomirira Gokwe Amai Dorothy Managami vanoti vari kufara nezviri kabuda mumisangano yavo.

“Tanzwa zvakawanda kuno maringe nekuti vakaremara vawane zvinovabatsira uye kuti tivake madhamu kuitira kuti mvura isarasikire kunyanza, uye kuti kuzvipatara tiwanezve mari nekuusocial welfare.”

Zvichakadaro, nhengo mbiri dzeZimbabwe Activists Alliance kana kuti ZAA, Muzvare Lynette Mudehwe na VaTapiwa Chitambo vakasungwa nemusi weChitatu maMutare vachipomerwa mhosva yekunamira mapepa ekukurudzira veruzhinji kuti vabatane navo mukuratidzira nemusi weMugovera nechinangwa chekukurudzira kuti mitemo yesarudzo ivandudzwe.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


This item is part of
XS
SM
MD
LG