Accessibility links

Breaking News

Vagari vekwaChiyadzwa Vononga Svosve neMuromo Kunyangwe Vaine Minda yeMangoda Pedyo


O Zimbabué Tenciona Vender Diamantes De Marange
O Zimbabué Tenciona Vender Diamantes De Marange

Vagari vekwaChiadzwa vari kuchema-chema nekushanduka kwaita hupenyu hwavo izvo zvopa kuti tsika yehupfambi nemamwe mabasa erima zvitekeshere munharaunda iyi.

Vamwe vana vane mukaka pamhuno vave kutizira vasati vabva zera. VaRueben Kusena mugari wekwaChiadzwa avo vakamirira kuzotamiswa chero nguva parizvino vanoti kubva pakavharwa makambani emangoda vazhinji vemunharaunda vave kuita mabhindauko akasiyana-siyana mamwe asina kunaka.

VaKusena vanoti vari kubata mabasa akanaka vari kuita zvekuruka mabhasikiti netsero vachitengesa kuvanoshanya mumugwagwa weMasvingo neMutare.

“Kubva pakavharwa minda yemangoda tave kuita zve-buying and selling nezvimwe zvakadaro daro asi vanhu vari kuyaura mazuva ano.”

Mumwe ave kuruka mabhasikiti ndiAsk Chipomerwa uyo imboshanda mumunda wemangoda ari fitter and turner. Anoti vazhinji vavo vave kuruka mabhasikiti anozivikanwa nekuti madengu uye mameti anotsikiswa munhu opinda mumba.

“Vamwe tave kuruka mabhasikiti, kana kugadzira marasha ekubikisa achitengeswa mumigwagwa asi hariziriro basa racho ratinotarisira sevanhu vaishanda muminda yemangoda aya.”

VaCrispen Chandaengerwa vemumusha wekwaChishingwi kwaChiadzwa vanoti vana vazhinji vechidiki vane vabereki vaishanda muminda yemangoda vakashayirwa mari yechikoro vave kuita zvechipfambi kana kuwanikwa vasati vabva zera.

“Ichocho ichokwadi nekuti vana vakawanda vave kusiya chikoro vachida kutanga misha yavo nekuda kwekuti pamwe pacho vanenge vaona sekunge vabereki vaomerwa nekugara navo pasina chouviri.”

VaJobs Kanganweni venharaunda yeTonhorai avo vaishandawo pakambani yeAnjin makore apfuura vanoti vakawanda vave kupinda muminda vachida kutsvaga mangoda zviri kunze kwemutemo.

“Kunetseka kwopa kuti vakawanda vapinde muminda yemangoda zviri kunze kwemutemo. Vagari kuno zvakare vari kunyunyuta nenyaya yekuti minda yavo yakatorwa pasina kana compensation yakabhadharwa nemakani aya.”

Mbuya Abigail Munjoma avo vanogara kwaMuchena kwaChiadzwa vanochema nenyaya yemadzimai akawanikwa ave kusiya varume vachiita zvechipfambi vachizama kutsvaga kana kuwana chouviri.

“Kana madzimai ari mumusha ave kusiya varume vavo vachibuda mumba vachienda kwavanoenda vachiti vari kunotsvaga mari kuti vararamise mhuri. Izvi zvinotirwadza zvikuru uye vapwere vari kuita zvakare zvimwe chetezvo, uku hapana chatiri kuwana kubva kune vakatora minda yedu.”

Hurumende yeZimbabwe inoti iri kuita nepainogona napo kuedza kupa muripo unokodzera kuvagari venharaunda iyi vakarasikirwa neminda, zvipfuyo nezvimwewo asi izvi zvatora nguva refu zvisati zvazadzikiswa.

Hurumende yakatorera marezinesi ekuchera mangoda makambani akawanda munzvimbo iyi ikaumba kambani inonzi Zimbabwe Diamond Consolidated Company. Asi kambani iyi iri kutatarika zvapa kuti vakawanda munzvimbo iyi vashaye chouviri.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG