Gore rino zuva iri rauya panguva iyo varairidzi vakabatira ura mumaoko vachiti havazivi kuti ramangwana ravo rakamira sei sezvo vasingazivi kuti vachamiswa mabasa here kana kuti kwete
Kambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Suppy Authority, ZESA, yakatozivisa vagari kuti vachange vachishaiwa magetsi munguva dzayakatara, dzingangosvika maawa manomwe pazuva
ZCTU, inoti makambani akawanda akamisa vashandi mabasa achishandisa mutongo wedare repamusoro wakaturwa muna Chikunguru, ari kuramba kutevera mutemo mutsva wemabasa wakasainwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe masvondo mashoma adarika
Vanachiremba vanoshandira muzvipatara zvehurumende vanoti vangangokanda mapadza pasi chero nguva mushure mekunge hurumende yakundikana kuzadzisa zvivimbiso zvayakavapa pavakamboramwa mabasa gore rapera
Pane mashoko ekuti mapato ezvematongerwo enyika anopikisa eMDC T neMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube ari kuita nhaurirano dzekuumba hurumende yemubatanidzwa yechipiri nebato reZanu PF.
Vamwe vana veZimbabwe vari kugara kuBotswana vasina magwaro anovabvumidza kugara munyika iyi, vanonzi vakatarisana nedambudziko rekudzoserwa kumusha izvo zvinonzi zvave kupa kuti vamwe vatyore mutemo vachigadzira vega zvitupa zvakafanana nezvinopiwa nenyika iyi zviri pamutemo
Vanotengesera zvinhu zviri kunze kwemutemo paMakoni Shopping Centre, kuChitungwiza vanonzi vakarwisana nemapurisa ekanzuru mangwanani emusi weChipiri.
Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza zuva rerunyarararo pasi rose, reInternational Day of Peace, paine kurudziro yekupedza mhirizhonga yose kuti nyika ibudiriro.
Sangano reHeal Zimbabwe Trust neMuvhuro unouya riri kuita musangano mudunhu reMasvingo nevakashungurudzwa mumhirizhonga yezvematongerwo enyika mumatunhu eMasvingo neManicaland.
Veruzhinji munyika vati chakakosha pamashoko emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pakuvhura chikamu chechitatu chedare reparamende ndechekuti zvavataura zvazadzikiswa here nekuti muromo hauzarirwe nerwizi
Muvhimi, VaTheodore Bronkhorst, avo vakanga vari munhau mazuva mashoma apfuura nenyaya yekuurayiwa kweshumba yaive nemukurumbira yainzi Cecil, vadzoka zvakare kumatare vachitongwa neimwe nyaya itsva yekuwanikwa vaine zvigadzirwa zvakabva pamhuka vasina mvumo
Mhuri yaChiedza Brown, mwanasikana wevaimbi vakashaya, Andy Brown naChiwoniso Maraire, inoti iri kurwadziwa zvikuru nekushaya kwake, uye ichiri kutsvaga shumo yazvo zvose zvakatora nzvimbo zvakazomusvitsa pakuti atore hupenyu hwake.
Komiti iri kutungamira hurongwa hwekutsigira mhuri yemurwiri wekodzero akatsakatika, VaItai Dzamara, inoti neChipiri muHarare iri kuparura homwe yeItai Dzamara Trust, iyo inonzi ichange ichi batsira mhuri dzose dzinosangana nematambudziko akafanana neakawira VaDzamara.
Nyika yeAmerica yakarangarira makore gumi nemana vanhu vanoda kusvika zviuru zvitatu vaurayiwa nematororo ayo akapamba ndege dzaive nevanhuwo zvavo ndokurwisa zvivakwa zveWorld Trade Center muNew York, pamwe nemuzinda wemauto wePentagon uri pedyo neWashington DC.
Vamwe vanotevera zvematongerwo enyika vanoti dariro rezvematongerwo enyika rinenge richaita duku zvichitevera kuburitswa kwegwaro kana kuti manifesto naAmai Joice Mujuru, izvo zvinonzi nevamwe munongedzo wekuti vanenge vafunga kupinda mune zvematongerwo enyika.
Zvinonzi paita ropa rakaipa pakati pameya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni nemakanzura avo, zvichitevera mashoko anonzi akataurwa nameya ekuti mune remangwana vanhu vanodomwa semakanzura vanofanirwa kunge vaine hunyanzvi hunozobatsira guta
Zvikoro zvavhurwa neChipiri munyika kutangisa kotoro yetatu paine mashoko ekuti huwandu hwevana vechikoro vakwanisa kudzokera kuzvikoro, hwakadzikira zvikuru zvichienzaniswa nekotoro yapera
Nyanzvi mune zveupfumi inoti danho rakatorwa neZIMRA, rekubhadharisa mari pazvimwe zvinhu zvinenge zvichipinzwa munyika kubva kunze, inzira yekuti homwe yehurumende ipinde mari munguva ino yekuoma kwezvinhu
Hurumende yakazivisa kuti ichange ichiverenga varairidzi pamwe nevana vechikoro muzvikoro zviri mumisha yeMbare neHatfiled, mudunhu reHarare kubva musi weChipiri Gunyaya 8, unove musi uchavhurwa zvikoro
Rodhai zvimwe