Sangano reHeal Zimbabwe Trust neMuvhuro unouya riri kuita musangano mudunhu reMasvingo nevakashungurudzwa mumhirizhonga yezvematongerwo enyika mumatunhu eMasvingo neManicaland.
Vanoona nezvezvirongwa musangano reHeal Zimbabwe Trust, Muzvare Sithabile Dewa vanoti vaita hurongwa hwekuti musangano wavo uyu uitwe neMuvhuro senzira yekurangarira zuva rerunyararo pasi rose, reInternational Day of Peace, iro rino cherechedzwa musi wa 21 Gunyana gore roga-roga.
Vanoti gore rino vafunga kusangana nevakashungurudzwa ava senzira yekuvayeuchidza kuti havana kuvakanganwa, uye kuyeuchidzawo hurumende kuti isakanganwe vanhu vakashungurudzwa ava.
Vazhinji vevanhu ava vanoti vakashungurudzwa nenhengo dzeZanu PF pamwe nemauto nevasori vari muhurumende yaVaRobert Mugabe.
Sangano reunited Nations rakazivisa kuti dingindira remhemberero dzegore rino rinoti “Partnerships for Peace-Dignity for All,” richi kurudzira mubatanidzwa werunyararo pamwe neruremekedzo kune vose.
Muzvare Dewa vanoti vachasangana nevakashungurudzwa vanodarika makumi matatu vanobva kumatunhu anosanganisira Chivi, Mwenezi, Gutu, Chiredzi, Zaka, Bikita neBuhera.
Varambawo kutaura nzvimbo ichaitirwa musangano uyu vachiti vanotyira hupenyu hwevachaenda kumusangano kana vakavafumura.