Zimbabwe yacherechedza zuva rerunyarararo pasi rose pamwe nedzimwe nyika reInternational Day of Peace, paine kurudziro yekupedza mhirizhonga yose kuti nyika ibudiriro. Zuva iri rinocherechedzwa musi wa21 Gunyana.
Vachitaura muChinhoyi umo manga muchipemberwa zuva rerunyararo iri, gurukota rehurumende muhofisi yemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko, Amai Tabitha Kanengoni-Malinga vati pasina runyararo hapana budiriro.
Amai Kanengoni-Malinga vati vanofara zvakanyanya pazuva rerunyararo sezvo richipa mukana kune varombo kuti vanzvikwe kuchema kwavo, kugamuchira mifungo yakasiyana-siyana pamwe nekuremekedza vanhu vose zvisinei nezera.
Izvi zvatsigirwawo naIshe Dandawa, VaMilton Dandawa avo vati nyika ino yakawana runyararo apo yakawana kuzvitonga kuzere mugore ra1980.
Ishe Dandawa vati nekuda kwerunyararo, munyika mave nebudiriro yakaunza magetsi kumamisha pamwe nekufamba kwemashoko nechimbichimbi.
Izvi zvatsinhirwa nemadetembo anga achitsigira kuti vanhu vabatane kuti pave nerunyararo munyika.
Rimwe redetembo raitwa nevanasikana vepachikoro chepaChemagamba muChinhoyi.
Vachiverenga mashoko emunyori mukuru weUnited Nations VaBan Ki-moon, mumiririri weUnited Nations munyika VaBishow Parajuli vati vanoshushikana nemhirizhonga iri kuitika munzvimbo dzakawanda pasi rose nekuda kwekupandukirana.
Vati vanhu vose pasi rose vanofanirwa kuti vabatane kuitira kuti vapedze mhirizhonga.
Mhemberero yerunyararo iyi yaitwa pasi pedingindira rinokurudzira kubatana mukuunza runyararo netarisiro yekuremekedza vanhu vose kana kuti “Partnerships for Peace – Dignity for All”.
Tichiri panyaya iyi, sangano reHeal Zimbabwe Trust raitawo musangano kuMasvingo nevamwe vakashungurudzwa munyaya dzezvematongerwo enyika senzira yekucherechedzawo zuva rerunyararo iri.
Mumwe mukuru wesangano iri VaCleto Manjovha vati vakwanisa kusangana nevakashungurudzwa vane chitsama vabva mumatunhu akatenderedza Masvingo pamwe neBuhera, kuManicaland.
VaManjovha vati vafadzwa kuti vakwanisa kuzadzisa chinangwa chemusangano wavo, sezvo vapa mukana kune vakashungurudzwa ava pamwe nehama dzevakaurayiwa mumhirizhonga kuti vataure vanzwikwewo.
“Chinangwa chedu isu change chiri chekuti ma survivors, kana kuti avo vakapona mumhirizhonga dzapfuura vawane mukana wekucherechedza zuva iri,” vadaro VaManjovha.
Nyaya yekucherechedza zuva reInternational Day of Peace yakaparurwa neUnited Nations General Assembly muna 1981. Asi gore rekutanga kucherechedza rakava gore rakatevera ra1982. Musi uyu, vanhu vanokurudzirwa kuti vambokanda zvombo pasi vamire kukandirana makano nematemo.