Accessibility links

Breaking News

Muvhimi, VaBronkhorst Vanomiswa muDare Neimwezve Nyaya ine Chekuita neMhuka dzeSango


Muvhimi VaTheodore Bronkhorst
Muvhimi VaTheodore Bronkhorst

Muvhimi, VaTheodor Bronkhorst, avo vakanga vari munhau mazuva mashoma apfuura nenyaya yekuurayiwa kweshumba yaive nemukurumbira yainzi Cecil, vadzoka zvakare kumatare vachitongwa neimwe nyaya itsva yekuwanikwa vaine zvigadzirwa zvakabva pamhuka vasina mvumo.

Gweta raVaBronkhorst, Advocate Perpetua Dube vaudza Studio 7 kuti VaBronkhorst, avo vakasungwa neMuvhuro, vamiswa mudare muBulawayo vakabvisiswa mari yechibatiso inoita madhora zana.

Advocate Dube vati VaBronkhorst vakasungwa vachipomerwa mhosva yekufambisa mhuka dzerudzi rwemharapara dziri pakati pemakumi maviri nenomwe nemakumi maviri nepfumbabwe zvisiri pamutemo.

Asi vati mapurisa azosendeka mhosva iyi parutivi munguva yavanga voda kupinda mudare nekuda kwekuti ashaya humbowo hwakakwana hwekuvarovera nyaya iyi nahwo.

Vati VaBronkhorst vazopomerwa mhosva yekufambisa zvisiri pamutemo zvigadzirwa zvinobva pamhuka asi mapurisa haana kudoma mhuka dzacho, uye kuti zvingani, vachiti mhosva iyi inenge yazomhanyiswa sezvo yambenge isiri pamagwaro ekuvapomera mhosva.

VaBronkhorst vakasungwa neMuvhuro muBulawayo, mutauriri wemapurisa Amai Charity Charamba vakaudza vatori venhau kuti vakanga vasungwa nemhosva yekufambisa mhuka dzesango vasina mvumo.

Vari kutarisirwa kudzoka kudare musi wa24 mwedzi uno nenyaya iyi.

Vamwe vavanonzi vakapara navo mhosva iyi vatatu vanove zvizvarwa zvekuSouth Africa vakatomiswa pamberi pedare mushure mekusungwa neChishanu chapfuura kuBeitbridge vachiedza kuyambutsa mharapara idzi nepanzvimbo isingabvumidzwi.

Panyaya yekuurayiwa kwaCecil, VaBronkhorst vakabvisiswa zvakare mari yechibatiso uye vanotarisirwa kudzokera kumatare mukupera kwemwedzi uno.

XS
SM
MD
LG