Accessibility links

Breaking News

Nhaurirano dzeMapato Dzokonzera Mutauro muNyika


Hurumende yemubatanidzwa yakaunza pamwechete VaMorgan Tsvangirai, VaRobert Mugabe naVaArthur Mutambara vaimirira
Hurumende yemubatanidzwa yakaunza pamwechete VaMorgan Tsvangirai, VaRobert Mugabe naVaArthur Mutambara vaimirira

Pane mashoko ekuti mapato ezvematongerwo enyika anopikisa eMDC T neMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube ari kuita nhaurirano dzekuumba hurumende yemubatanidzwa yechipiri nebato reZanu PF.

Mashoko aya anoti vamiriri vemapato matatu aya vakatonoita musangano wavo wekuparura nhaurirano idzi kunyika yeGhana mazuva mashoma apfuura.

Asi vemapato eMDC ari maviri vakaramba kuti musangano uyu waive nechekuita nekuumbwa kweimwe hurumende yemubatanidzwa, asi vachitenda zvavo kuti musangano uyu wakaitika.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vakaudza Studio 7 kuti musangano uyu waive nechekuita nekubatanidzwa kwemitemo yenyika.

VaWelshman Ncube vakatiwo musangano uyu waive wemapato ose ezvematongerwo enyika emuAfrica ayo akanga akokwa, kwete kuti ekuZimbabwe chete.

Ukuwo, bato reZanu PF rakaramba richitsika madziro richiti hakuna nhaurirano dziripo, uye musangano wakadaro hauna kumbofa wakaitika.

Kuburitswa kwenyaya iyi kumapepanhau kunonzi nevamwe kunogona kunge kwakakanganisa nhaurirano idzi sezvo mapato ose ari matatu asiri kuda kubuda pachena.

Musangano wemapato matatu aya, uyo unonzi waifanirwa kuitwa nemusi weChina kuVictoria Falls, unonzi hauna kuzobudirira kuitwa, uye vanonzi vari kupinda munhaurirano idzi vanonzi havana kupiwa zvikonzero zvaita kuti musangano uyu usendekwe.

Asika vamwe vari kuti hapana chiutsi chisina moto, vachiti kusangana kwemapato matatu aya kune zvakunoreva.

Vamwe veruzhinji vari kutsigira kuti pave nenhaurirano sezvo zvinhu zvisisina kumira zvakanaka munyika, ukuwo vamwe vachiti mapato MDC anofanirwa kungwarira sezvo Zanu PF ichiziva kuti kusamira kwezvinhu kunogona kuita kuti munyika musagadzikana, yoshandisa mapato aya kuti irarame rimwe zuva.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaCharles Mutasa vanoti hapana chakaipa kuti vemapato ezvematongerwo enyika kuti aite nhaurirano, kana dai dzisiri dzekuumba hurumende yemubatanidzwa.

VaMutasa vanoti zvinhu zvakanga zvakanaka kwazvo munguva yehurumende yemubatanidzwa, zivo zvinoita kuti vamwe vanhu vachemere imwe hurumende yemubatanidzwa.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaGoodson Nguni vanoti vanopokana nevanhu vanofunga kuti hurumende yemubatanidzwa yemubatanidzwa yakanga yakanaka.

“Bato reZanu PF harichadizve kuita imwe hurumende yemubatanidzwa nebato reMDC T sezvo vanhu vakaramba vega musarudzo dza2013 kuti havachada zvakare hurumende yemubatanidzwa neMDC, saka vakasarudza bato reZanu PF,” vanodaro VaNguni.

Asi VaMutasa vanoti havawirirane nemafungiro aVaNguni sezvo zvakaratidza zvega munguva yehurumende yemubatanidzwa kuti bato reZanu PF rega harigoni kugadzirisa zvinhu munyika.

“Zvehurumende yemubatanidzwa zvakatobatsira vanhuwo zvavo kuti vakwanise kurarama hupenyu huru nani,” VaMutasa vanodaro.

Vaive Mutauriri weZanu PF vakazodzingwa mubato iri, VaRugare Gumbo vakaudzawo Studio 7 kuti kuita nhaurirano nebato reZanu PF kubika mbodza, sezvo bato iri risisina vatsigiri nekutadza kutonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG