Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba veHurumende Voronga Kuramwa Mabasa


Kana vanachiremba vemuzvipatara zvehurumende vakaramwa mabasa, veruzhinji ndivo vanoomerwa
Kana vanachiremba vemuzvipatara zvehurumende vakaramwa mabasa, veruzhinji ndivo vanoomerwa

Vanachiremba vanoshandira muzvipatara zvehurumende vanoti vangangokanda mapadza pasi chero nguva mushure mekunge hurumende yakundikana kuzadzisa zvivimbiso zvayakavapa pavakamboramwa mabasa gore rapera.

Mutungamiri wesangano ravanachiremba ava, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Fortune Nyamande vanoti iri ndiro danho ravanogona chete kutora sezvo hurumende iri kuratidza kusave nehanya nemararamiro avanachiremba.

Doctor Nyamande vanoti bazi rezvehutano rinofanirwa kunzwisisa danho ravo kana vakazoramwa mabasa sezvo hupenyu huri kuramba huchiomera vanachiremba.

Vanoti hurumende yakanga yavavimbisa kuti ichaita kuti vakwanise kupinza dzimotokari dzavanenge vatenga kubva kunze vasingabhadhariswe mari dzemitero, asi hapana zvati zvaitwa kubva gore rakapera.

Vanotiwo zvakare hurumende yakanga yavimbisa kuti ichatarisa nezvechichemo chavo chekuti itarise zvakare nyaya yepekugara, asi chave kuvashamisa ndechekuti mitero yedzimba ndiyo yakatokwidzwa.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vehurumende panyaya iyi.

Asi Doctor Nyamande vanoti havasati vave nezuva rwekuti vachatanga kuramwa mabasa riini.

“Handikwanisi kupa zuva, uye handikwanisi zvakare kutaura kuti ticharatidzira sei asi chandinongoziva ndechekuti zvinhu zvakaramba zvakamira mamiriro azvakaita izvi eeh, vanachiremba tichagara pasi,” vanodaro Doctor Nyamande.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG