Accessibility links

Breaking News

Meya weHarare neMakanzura Ake Vokandirana Makobvu neMatete


Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni
Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni

Zvinonzi paita ropa rakaipa pakati pameya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni nemakanzura avo, zvichitevera mashoko anonzi akataurwa nameya ekuti mune remangwana vanhu vanodomwa semakanzura vanofanirwa kunge vaine hunyanzvi hunozobatsira guta.

Bepanhau reHerald rinoti VaManyenyeni vakabva vakabereka gumbo pamusangano waiitwa nemakanzura avo kuKadoma mukupera kwesvondo, makanzura avo achida kuvarova nenyaya yemashoko avo aya, ayo akaonekwa nevamwe sekunge ekuvazvidza zvemhando yepamusoro kuti havana kufunda.

Zvinonziwo makanzura aya ave kutora matanho ekuti meya vabviswe pachigaro chavo.

Asi VaManyenyeni varamba mashoko ekuti vakabva vachiita murambamhuru pamusangano uyu, vachiti vakangosuduruka chete kuitira kudzivirira kusawiriranakwakanga kwavepo.

VaManyenyeni vanoti vane hurombo kuti mashoko avo akatambirwa nenzira isiri iyo, asi vanoti havasi kuzodzora tsvimbo nekuti gudo rabata kumeso.

“Ndine hurombo kuti vamwe vangu vakagumbuka nemashoko iwaya, asi ndakamirira guta rino kana ripi, ndiri kuti kusangana kwenjere, neruzivo nezvimwe zvakadaro kunoita kuti guta risimbe,” vanodaro VaManyenyeni.

Mumwe wemakanzura eguta reHarare, VaPeter Moyo vanoti meya havanyatsonzwisisi basa remakanzura, sezvo risiri rekuti vave nyanzvi, nekuti nyanzvi dzirimo kare mukanzuru.

“Kune vanachiremba, mainjiniya, magweta, mune hunyanzvi hwose hungadiwa mukanzuru,” vanodarowo VaMoyo.

VaMoyo vanoti basa rameya harisi rekutevera mashandiro emakanzura, asi kuti vanofanirwa kunge vachimukira kuhofisi kwemunyori mukuru vachiudzwa zvirongwa zvinenge zvichiitwa mukanzuru.

Vanotiwo kunyange hazvo VaManyenyeni vataura mashoko aya kanokwana katatu, havasi kuzovabvisa pachigaro chavo, asi kuti bato ravo reMDC T rinofanirwa kuvatsiura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG