Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vopa Pfungwa Dzavo Pamusoro peMashoko aVaMugabe


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Veruzhinji munyika vati chakakosha pamashoko emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pakuvhura chikamu chechitatu mudare reparamende ndechekuti zvavataura zvazadzikiswa here nekuti muromo hauzarirwe nerwizi.

VaMugabe vakakonzera mutauro pasi rose mushure mekunge vamboverenga mashoko asiri iwo.

Ongororo yemashoko aVaMugabe yekuvhura gore rekutanga nerechipiri inoratidza kuti mabhiri mazhinji avakati achazeiwa neparamende muchikamu chayo chechitatu anofanira kunge akapedzwa makore maviri apfuura.

Mabhiri aya anosanganisira rekuchengetedza vatengi, rekuongororwa kwezvhinu zvinopinda nekubuda munyika, nerekuongorora zvimbo dzekupinda nadzo munyika, nereminda kana kuti Land Commission nemamwe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika nenyaya dzehupfumi, VaMasimba kuchera vati hapana chakanyanyosiyana pamashoko aVaMugabe ekuvhurwa kweparamende nezvavagara vachitaura.

Vati nhengo dzeparamande dzinofanira kuisa makurukota ehurumende parumana nzombe kuti aunze mabhiri kuparamende.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vatiwo hurongwa hwaVaMugabe hwekuumba mitemo hungave hwakanaka asi chakokosha kuona kuti mitemo inoumbwa inotarisa zvido zveveruzhinji here.

Vati hazvibatsire kuumba mitemo yakaita seLabour Amendment Act uyo wakapasiswa neparamende zvisinei nekuti imwe komiti yeparamende iyi yainge yati mutemo uyu unopikisana nebumbiro remutemo.

Mutauriri wesangano remagweta anorirwa kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda vaudza Studio 7 kuti chishuvo chavo ndechekuti dai mitemo yese inofanira kuumbwa neparamende iyi yaumbwa zvine mwero.

Mumwe mugari wemuHarare, VaMlondolozi Ndholu vatiwo paramende inofanira kushanda nesimba kupasisa mabhiri ese kana achinge aunzwa kudare.

Asi vachitaura pane mumwe musangano wevandudza mutemo kuti ienderane nebumbiro idzva remutemo wenyika, mutauriri weparamende VaJacob Mudenda vakati paramende yakazvipira kushanda kana neusiku ichagadzira mitemo.

Vakati makurukota haasi ehurumende ndiwom asiri kuunza mabhiri kuparamende uye vakati izvi zvinota kuti paramende isvorwe neveruzhinji.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi VaWashington Mehlomakulu, avo vanoshanda nesangano reResource Exploitation Watch, vati vakafadzwa zvikuru nemashoko aVaMugabe aya, zvikuru akanangana nemabhiri ezveupfumi avakati achazeyiwa.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, YIDEZ, VaSydney Chisi vati mashoko aVaMugabe anogona kunge akanakira rurimi, asi achizoshaiwa hudzamu sezvo zvizhinji zvisingazoteverwa zvichizadziswa sekuvimbiswa kwazvinenge zvaitwa.

Mumwewo mugari weMbare VaPeter Ngorima vati mashoko aVaMugabe akanaka chose uye anofanira kutevedzwa zvikuru sei mutemo wePublic Health uyo vati uchaita kuti vazhinji varapwe sezvo vasina maMedical Aid.

Asi vatiwo nyaya yehuwori inyaya inofanira kugadziriwa sezvo iri kuvhiringa hupfumi hwenyika.

Zvichakadaro vanhu ava vatiwo zvakaitika nemusi weChipiri zvino svibisa nyika izvo zvinokanganisa mabasa ekukwezva vemabhizimisi vekunze.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi VaJames Johwa vati zvakaitika zvinoita kuti vanhu vekunze vaone sekuti hutungamiriri munyika hauchakwanisa kutonga.

Vati makurukota ehurumende ndiwo asiri kuunza mabhiri kuparamende uye vakati izvi zvinoita kuti paramende ishorwe neveruzhinji.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG