Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvobatana Nevamwe Mukurangarira Zuva re 9/11

Mutungamiri weAmerica VaBarack Obama, Amai Michelle Obama, nevamwe vari paWhite House, Washington, Sept. 11, 2015,
Mutungamiri weAmerica VaBarack Obama, Amai Michelle Obama, nevamwe vari paWhite House, Washington, Sept. 11, 2015,

Nyika yeAmerica yarangarira makore gumi nemana vanhu vanoda kusvika zviuru zvitatu vaurayiwa nematororo ayo akapamba ndege dzaive nevanhuwo zvavo kurwisa zvivakwa zveWorld Trade Center muNew York, pamwe nemuzinda wemauto wePentagon uri pedyo neWashington DC.

Imwe ndege yakadonhera mune mumwe munda uri mudunhu rePennsylvania.

MuNew York panzvimbo yakatsakatikira vanhu vakawanda, iyo yave kunzi Ground Zero, vanhu vakaungana pachiimbwa nziyo dzino nyaradza pamwe nekuverengwa kwemazita evanhu vakashayira mutsaona iyi.

Kumuzinda wemauto wePentagon, gurukota rezvekudzivirirwa kweAmerica VaAsh Carter vapa mashoko mushure pakazoiswa maruva panzvimbo yakadonhera ndege.

Kumuzinda weWhite House, mutungamiri wenyika, VaBarack Obama vacherechedzawo chiitiko ichi nekunyarara kweminiti imwechete.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muno muAmerica, VaAndrew Chaponda, vanove munyori webato reMDC T mudunhu reAmerica, vanoti chiitiko ichi chakashandura zvikuru kudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, kunyange hazvo chisina zvikuru zvachakakanganisa pahukama hwenyika iyi nevana veZimbabwe vari muno muAmerica.

VaChaponda vanoti kunyange hazvo zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri kupinda muAmerica zviri kuongororwa zvakanyanya nekuda kwehugandanga uhwu, havasati vambonzwa kuti kune vana veZimbabwe vari kusangana nedambudziko iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG