Vamwe vanotevera zvematongerwo enyika vanoti dariro rezvematongerwo enyika rinenge richaita duku zvichitevera kuburitswa kwegwaro kana kuti manifesto naAmai Joice Mujuru, izvo zvinonzi nevamwe munongedzo wekuti vanenge vafunga kupinda mune zvematongerwo enyika.
Asi vamwe vanoti nzvimbo yavo inogona kuita duku sezvo mukati medariro iri magara muine vamwe vanopikisa vakaita saVaMorgan Tsvangirai nebato ravo reMDC T, VaTendai Biti nebato ravo rePeople’s Democratic Party, iro riri kuitawo kongiresi yaro muHarare, VaElton Mangoma nebato ravo re Renewal Democrats of Zimbabwe.
Vamwe vane mapato anopikisa ndaVaWelshman Ncube, Amai Barbara Nyagomo, VaDumiso Dabengwa, VaSimba Makoni,VaJacob Ngarivhume Satiya, Amai Margaret Dongo, Muzvinafundo Lovemore Madhuku neNCA, nevamwe vanongonyuka chete munguva dzesarudzo vakaita savaKisinoti Mukwazhi, VaEgypt Dzinemunhenzva, nevamwe.
Asi veZanu PF vanoti havasi kuzofa vakashaiswa hope nevanopikisa, avo vavanoti vari kuramba vachitsemuka tsemuka.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi wezvemutemo paKent University kuEngland, Doctor Alex Magaisa vanoti kuwanda kwemato anopikisa zvinoratidza kuti munyika mune vanhu vane chido chekuti vaunzewo maonero avanoita kuti nyika ingafambe sei.
Vanoti izvi zvinoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika, zvinhu zvinobvumiwawo kana naivo vakuru muZanu PF kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.
Asi vanoyambirawo kuti kana paine vanoda kurwisana nebato reZanu PF vanofanirwa kunge vakaungana nekuti Zanu PF yakatora nguva yakareba yakabatana uye hurumende iri pasi payo.
Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu vanoti kuwanda kwemapato ezvematongerwo enyika mucherechedzo wekuti munyika mune hutongo hwejechetere, izvo zvinopikisana nezvinotaurwa kunze zvekuti hurumende yeZanu PF ino dzvinyirira vezvematongerwo enyika vanoipikisa.