Kanzuru yeChitungwiza inonzi ine hurongwa hwekurasa zvikamu zvishanu kubva muzana zvezvikwereti zvayo zvine vagari, senzira yekuvakurudzira kuti vabhadhare mitero yavo kuitira kuti kanzuru iwane mari yekubhadhara vashandi vayo
National Mine Workers Union of Zimbabwe inoti haisi kutambira mari yakawiriranwa pakati peChamber of Mines Zimbabwe nerimwe sangano revashandi vemumigodhi, reAssociated Mine Workers Union of Zimbabwe.
VaMwonzora vanoti bato ravo ragara richiziva kuti Amai Matibenga vakaenda kuchikwata chiri kukurudzira kushandurwa kwehutungamiri ichi, icho chiri kutungamirwa naVaTendai Biti
Vashandi vehurumende vari kutsutsumwa zvikuru nehurongwa hwaburitswa nehurumende hwekushandura mazuva ekutambira mari kwavo kubva mwedzi uno zvichienda mberi
Vagari vemuHarare vakawanda vari kuchemachema nedanho ratorwa nekambani yemagetsi, yeZimbabwe Electricity Supply Authority, ZESA, rekuwedzera nguva nenzvimbo dzichadzimwa magetsi munguva ino yekutonhora
Vakafanobata chigaro chasachigaro wekanzuru yavanasorojena mubato reMDC T, kana kuti Guardians Council, Amai Sekai Holland, vasangana nemutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, vakakurukura nyaya dzavanoti dzine chekuita nebato ravo
Nhengo pfumbamwe dzevechidiki muMDC T dzanga dzichipomerwa mhosva yekurova vakadzingwa mubato iri, VaElton Mangoma, dzawanikwa dzisina mhosva nemutongi wedare ramejasitireti muHarare, VaMilton Serima.
Dare repamusorosoro mubato reZanu PF, re Politiburo, rapa vaimbova gurukota rehurumende kwenguva yakareba, VaNathan Shamuyarira, avo vakashaya neChitatu usiku, ruremekedzo rwegamba renyika.
Veruzhinji vatambira nemufaro mutongo wapiwa nemusi weChina nedare repamusorosoro wekuti mapurisa aremekedze kodzero dzemadzimai avanenge vasunga vachivaisa muchitokosi chepakamba yeHarare Central Police Station icho chinonzi chaive netsvina isingaiti.
Zimbabwe yatengesa fodya inodarika yakatengeswa gore rapera kunyange kutengeswa kwechirimwa ichi kuchiri kuenderera mberi
PTUZ inoti neMuvhuro yanyorera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, tsamba ichikumbira kuti vasangane navo kuitira kuti vakurukure nezvemamiriro akaita zvinhu munyaya dzedzidzo munyika
Kwaitika mhirizhonga inotyisa mumusha weBudiriro 2 muHarare mushure mekunge nhengo dzechechi yemapositori yeJohanne Masowe eChishanu dzarwisana nevakuru vesangano re Apostolic Christian Church of Zimbabwe, pamwe nemapurisa anodzivirira mhirizhonga.
Dzimwe nhengo dzebato riri kutonga reZanu PF dzinonzi dzakawana mari kubva kuhomwe yaifanirwa kubatsira vechidiki kuti vazvitangire mabhizimusi avo pasi pechirongwa chekuendeswa kweupfumi kuvatema kuburikidza nekupundutsa vechidiki
Sangano revagari vemusha weChitungwiza, reChitungwiza Residents Trust rinoti harisi kuzotambira zvakataurwa neChipiri nemutewedzeri wegurukota rezvematunhu, VaJoel Biggie Matiza zvekuti hurumende ichaenderera mberi nekuputsa zvivakwa zvakavakwa zvisiri pamutemo mumusha uyu
Sangano reNational Aids Council rapa mari inosvika miriyoni imwechete kumapazi ehurumende anoti rehutano pamwe neremabasa nekugara zvakanaka kwevanhu, iyo ichabatsira mukubhadharira vana vanoshaya mari dzechikoro pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module, BEAM
Kambani yeZUPCO inoti ine hurongwa hwekuzvimutsiridza mashandiro ekambani iyi kuburikidza nekutenga mamwe mabhazi matsva anosvika zana pagore roga roga pamwe nemarhorhi ano takura zvirimwa nezvimwe zvakadaro
Hofisi yemutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, inoti yanyorera tsamba kubepanhau reThe Herald pamwe neZimbabwe Media Commission ichinyunyuta nekwainoti kusarudza kunyora manyepo kwaitwa nebepanhau reThe Herald pamusoro paVaTsvangirai
Varimi vedonje vanonzi havasi kufara nemutengo wakatarwa nevanotenga donje wemasendi makumi matanhatu nemashanu pakirogiramu yoga-yoga kubva pamasendi makumi matatu aitengwa nawo chirimwa ichi gore rapera
Vagari vemumusha weBudiriro vanoti kuti nhau dzibude sezvadziri munyika, vezvematongerwo enyika nevari mumasimba havafanirwi kupindira mukuburitswa kwadzo
Masangano evarairidzi anoti haasi kufara nedanho rinonzi rakatorwa nehurumende rekuti varairidzi vakadzidzira basa asi vasina kunge vakapasa zvidzidzo zveChirungu, Mathematics ne Science paO' Level vadzokere kuchikoro kunoita zvidzidzo izvi
Rodhai zvimwe