WASHINGTON DC —
Dzimwe nhengo dzebato riri kutonga reZanu PF dzinonzi dzakawana mari kubva kuhomwe yaifanirwa kubatsira vechidiki kuti vazvitangire mabhizimusi avo pasi pechirongwa chekuendeswa kweupfumi kuvatema kuburikidza nekupundutsa vechidiki.
Izvi zvataurwa pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvekuendeswa kweupfumi kuvatema.
Komiti iyi yaudzwa kuti vamwe vadarika makore makumi matatu memashanu, vanosanganisira mumiriri weMberengwa East muparamende vari veZanu PF,
VaMakhosini Hlongwane, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wesangano rinorwira kuendeswa kweupfumi kuvatema, reAffirmative Action Group, AAG, VaChamu Chiwanza, vakawaniswa mari kubva mumamiriyoni makumi maviri emadhora ari mubhanga reStanbic yakanangana nekubatsira vhechidiki.
Mari iyi inonzi yaifanirwa kukwereteswa vechidiki vane makore ari pakati pegumi nemasere kusvika pamakore makumi matatu nemashanu.
Mukuru wedivi rezvemabhizimusi mubhanga reStanbic, VaPatson Mahachi, vanonzi vaudzawo komiti iyi kuti kunyange hazvo munhu aitarisirwa kukwereteswa mari iri pakati pezviuru zvishanu zvemadhora nezviukuru makumi maviri zvemadhora, vamwe vaikwereteswa mari dzaisvika kuchidimbu chemiriyoni yemadhora.
Zvinonzi vataurirawo komiti iyi kuti zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana zvevakawana mari iyi zvinobva mudunhu reHarare chete, kunyange hazvo mari iyi ichinzi inofanirwa kubatsira nyika yose.
Kugoverwa kwemari iyi kwagara kuine mitauro vamwe vachinyunyuta kuti pane chikiribidi chiri kuitwa uye kuti vebato rimwe chete, reZanu PF ndivo vari kungowaniswa mukana.
Zvinonziwo vazhinji vevakakwereteswa mari idzi havasi kuratidza kuve nehany’a yekudzosera zvikwereti izvi kuitira kuti mari iyi igobatsirawo vamwe.
Mukuru wesangano revechidiki reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, VaSydney Chisi, vanoti nyaya yehuwori ndiyo yanyanya kudzika midzi muZimbabwe zvekuti ani nani zvake anenge awana mukana wekushanda pane mari ari kuba.
VaChisi vanoti hurumende yeZanu PF ndiyo iri kutadza kugadzirisa zvinhu sezvo zvose zvichibvira kuvakuru vari muhurumende zvichidzika.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF, VaMorris Ngwenya vanoti ivo vanoshora vemabhanga zvikuru sezvo vaifanirwa kuonawo kuti munhu ari kuda kutora mari iyi haakodzeri.
VaNgwenya vanoti vanhu havafanirwi kungoshora Zanu PF nepasingafaniri sezvo homwe iyi yaifanirwa kukweretesa mari kune vose vechidiki, zvisineyi nekuti vanobva kubato ripi rezvematongerwo enyika.