WASHINGTON DC —
Vagari vemuHarare vakawanda vari kuchemachema nedanho ratorwa nekambani yemagetsi, yeZimbabwe Electricity Supply Authority, ZESA, rekuwedzera nguva nenzvimbo dzichadzimwa magetsi munguva ino yekutonhora.
Mugwaro raburitswa neZESA, kambani yemagetsi iyi inoti yatora danho iri sezvo kushandiswa kwemagetsi kwakwira panguva ino yekutonhora.
Gwaro reZESA rinoti munguva ino yechando magetsi anodiwa akwira kusvika pa 1800 Mega Watts, zvichienzaniswa neanodiwa munguva yekupisa ari pakati pe 1 350 ne 1 400 Mega Watts.
Gwaro iri rinoratidza kuti mumisha iri kumabvazuva kweguta yakaita seEpworth, Msasa Park, Queensdale, Chadcombe Ruwa nemimwe iri kumadokera kweguta yakaita seRugare, Mufakose, Kambuzuma, Warren Park neKuwadzana, magetsi achange achidzimwa kwemaawa anogona kusvika kugumi nematanhatu pazuva.
Zvinonziwo mimwe misha iri muguta iri ichange ichishayawo magetsi kwemaawa
anogona kusvika kumapfumbamwe pazuva.
Nzvimbo dzinokosha dzakaita sezvipatara zvikuru nekune pombi dzemvura dzinonzi hadzisi kuzosangana nedambudziko rekudzimwa dzimwa kwemagetsi uku.
ZESA iri kukurudzirawo vagari kuti vaedze napose pavanogona napo kuchengetedza magetsi kuburikidza nekushandisa nehungwaru mashoma aripo.
Asi veruzhinji vari kunyanyochema sezvo nguva ichange ichidzimwa magetsi iyi
yanangana nenguva ichange ichionekwa mitambo yenhabvu yemukombe weWorld Cup iyo iri kutanga nemusi weChina.
Danho iri rinonzi nevakawanda richaita kuti vatadze kuona zvikwata zvenhabvu zvenyika dzavanofarira.
Sachigaro weBulawayo Residents Association, VaWinos Dube, vanoti vanga vasati vave neruzivo rwekuti guta reBulawayo riripowo here pahurongwa hweZESA hutsva uhwu.
Asi VaDube vanoti vagari vagara vachichema chema kare nekudzimwa kuri kuitwa magetsi pari zvino muguta iri.
Mukuru werimwe sangano revagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanotiwo sangano ravo ratotanga kuita misangano nevagari pamusoro penyaya iyi risati rasangana nekambani yemagetsi iyi.