WASHINGTON DC —
Kanzuru yeChitungwiza inonzi ine hurongwa hwekurasa zvikamu zvishanu kubva muzana zvezvikwereti zvayo zvine vagari, senzira yekuvakurudzira kuti vabhadhare mitero yavo kuitira kuti kanzuru iwane mari yekubhadhara vashandi vayo.
Vagari vanonzi vane zvikwereti zvekanzuru zvinodarika mamiriyoni mashanu emadhora, ukuwo iyo kanzuru ichinzi yave nemwedzi inodarika gumi isati yabhadhara vamwe vashandi vayo, pamwe nezvimwe zvikwereti zvinodarika mamiriyoni makumi mashanu emadhora zvinosanganisira mitero kuZimra.
Kanzuru inonzi iri kutarisirwa kuzeya pamwe nekutambira kana kuramba danho iri pamusangano waichaita.
Studio 7 haina kukwanisa kubata meya weChitungwiza, VaPhilip Mutoti, avo vanzi vanga vari mumusangano wekanzuru yavo. Hatina kukwanisa kunzwa kana danho iri razeyiwa mumusangano uyu.
Kana kanzuru yeChitungwiza ikabudirira kurasa zvikamu zvishanu kubva muzana zvezvikwereti izvi, aka kanenge kave kechipiri kuti vagari vane zvikwereti vange vachikanganwirwa zvikwereti zvavo.
Gore rapera muna Chikunguru nyika yatarisana nesarudzo, hurumende kuburikidza nebazi rekutongwa kwematunhu, yakaita kuti makanzuru ose emunyika arase zvikwereti zvevagari, mudanho rakaonekwa nevamwe senzira yekutsvagira bato reZanu PF rutsigiro.
Nyanzvi mune zveupfumi dzakati danho iri richaita kuti zvinhu zvitonyanyoomera makanzuru, ayo akanga agara achinetsekana kuti awane mari dzekufambisa mabasa.
Mutauriri wesangano revagari reChitungwiza Residents Trust, VaMarvellous Khumalo, vanoti vanotambira nemufaro danho rekuti kanzuru irase zvimwe zvikwereti zvavo vachiti izvi zvichazobatsira varombo, zvikuru vakwegura avo vari kutadza kubhadhara mitero yavo.
Asi VaKhumalo vanoti sevagari vanonyunyutawo zvakare kuti danho rekurasa zvikwereti iri harisi iro nzira yekupedza nayo matambudziko akatarisana nekanzuru yavo.