Accessibility links

Breaking News

Rimwe Sangano reVashandi veMumigodhi Roramba Kutambira Zvakabuda Muhurukuro dzeMihoro

Mushandi wemumugodhi
Mushandi wemumugodhi
Rimwe sangano revashandi vemumugodhi, reNational Mine Workers Union of Zimbabwe, rinoti harisi kutambira mari yakawiriranwa pakati pesangano revashandirwi vemumigodhi reChamber of Mines Zimbabwe nerimwe sangano revashandi vemumigodhi, reAssociated Mine Workers Union of Zimbabwe, muhurukuro dzeNational Employment Council, NEC, dzavakaita muna Kubvumbi gore rino.

Mugwaro rachaburitsa, chimwe chikwata chesangano reNational Mine Workers Union of Zimbabwe chinotungamirwa naVaTinashe Mugwira, chinoti zvikamu zvishanu kubva muzana zvakawiriranwa ku NEC kushora vashandi kwakadzama zvikuru, uye pakawiriranwa pasina kunzwikwa pfungwa dzevashandi vemumigodhi.

Asi mumwe mukuru weChamber of Mines Zimbabwe asina kuda kutaura zita rake nekuti haatenderwi kutaura nevatori venhau, audza Studio 7 kuti havasi kuzoshaiswa hope negwaro raburitswa nesangano iri, sezvo sangano iri risingapindi munhaurirano dzemihoro.

Mushandi wepasi anenge otarisirwa kutambira $238.41 pamwedzi kubva pa $227.06, kuchitiwo mushandi wepamusoro anenge otarisirwa kutambira $552.96 kubva pa $526.63 pamwedzi.

Mutungamiri wechimwe chikwata chesangano reNational Mine Workers Union of Zimbabwe, VaNdodana Sithole, vaudzawo Studio 7 kuti ivo havatambiriwo mari yakawedzerwa vashandi iyi.

VaSithole vanoti matanho avari kuronga kutora, akaita sekuti vawane chigaro muNEC kuitira kuti vakwanise kutaura nezvemihoro vari mukati, kwete kunze sezviri kuitika iye zvino.

Vatiwo sangano ravo harisi kuzokurudzira vashandi kuti varamwe mabasa sezvo pasina kudhonzera pamwe muvashandi vemumigodhi pari zvino.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
This item is part of
XS
SM
MD
LG