Accessibility links

Breaking News

National Aids Council Yobatsira Chirongwa cheBEAM neMari

Mari iyi inonzi ichabatsira nherera nevanoshaya mukuenda kuchikoro
Mari iyi inonzi ichabatsira nherera nevanoshaya mukuenda kuchikoro
Sangano reNational Aids Council rapa mari inosvika miriyoni imwechete kumapazi ehurumende anoti rehutano pamwe neremabasa nekugara zvakanaka kwevanhu, iyo ichabatsira mukubhadharira vana vanoshaya mari dzechikoro pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module, BEAM.

Mari iyi inonzi yagamuchidzwa kuvamiriri vebazi rezvemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu pamwe nevebazi rezvehutano, avo vanga vakamirira makurukota anoti VaNicholas Goche pamwe naVaDavid Parirenyatwa muHarare.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano iri Amai Madeline Dube vanoti mari iyi inogona kubatsira vana vanoshaya vanodarika zviuru gumi nezviviri.

Amai Dube vanoti danho ratorwa nesangano ravo hachisi chinhu chitsva asi kuti vagara vachishanda nemapoka avanodyidzana nawo munyaya dzekurwisa pamwe nekudzivirira HIV/Aids.

Gore rapera sangano iri raka mari inoita mazana masere ezviuru kuchirongwa chimwechete ichochi.

Hurumende inonzi inoda mari inosvika mamiriyoni makumi manomwe nematatu emadhora yekubatsira nherera nevanoshaya pasi peBEAM asi yakakwanisa kuwana mamiriyoni makumi maviri nemashanu chete.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
This item is part of
XS
SM
MD
LG