WASHINGTON DC —
Sangano revagari vemusha weChitungwiza, reChitungwiza Residents Trust rinoti harisi kuzotambira zvakataurwa neChipiri nemutewedzeri wegurukota rezvematunhu, VaJoel Biggie Matiza zvekuti hurumende ichaenderera mberi nekuputsa zvivakwa zvakavakwa zvisiri pamutemo mumusha uyu.
VaMatiza vanonzi vakaita musangano nemakanzura emusha uyu vakavazivisa kuti hurumende yakanga yasunga kuti ienderere mberi nekuputsa zvivakwa zvakaiswa munzvimbo dzakanga dzakanzi hadzifanirwi kuvakwa, dzakaita semapani.
Vanonzi vakazivisawo kuti vanogadzira pamwe nekutengesa zvinhu vakavakirawo pasingabvumidzwi vachatsvagirwa kwekuenda.
Asi sangano revagari iri riri kuti hurumende haifanirwi kutora danho iri sezvo paine mutongo wakapiwa nedare redzimhosva muChitungwiza panyaya iyoyi musi wa 24 mwedzi wapera, uyo wairambidza kanzuru kuputsa dzimba dzevanhu.
Mukuru wezvekufambiswa kwezvirongwa muChitungwiza Residents Trust, VaMarvellous Khumalo vanoti vanoona mashoko amutevedzeri wegurukota uyu semahumbwe, nekuti ari kutaura zvakasiyana nezvinotaurwa negurukota racho, VaIgnatius Chombo.
VaKhumalo vanoti vakaita musangano nemagweta avo vakasunga kuti vanyore tsamba icahneda kuna Vachombo vachinyunyuta nedanho raVaMatiza iri rekuti zvivakwa zvitange zvakare kuputswa.
Hurumende yakanga yapa vagari masvondo patatu ekuti vabude muzvivakwa izvi, ayo atopfuura.
Ongororo yakaitwa nekomiti yakaumbwa naVaChombo yekuda kuona zvakaitika pakupiwa kwevanhu nzvimbo dzekuvakira inonzi yakakurudzira kuti dzimba dzakaiswa pamusoro pemapombi emvura nesiweji, mumapani, pedyo nemigwagwa, pasi petambo dzemagetsi nemune dzimwe nzvimbo dzisingabvumidzwi dziputswe.
Asi vagari nemasangano anorwira kodzero dzevanhu vanoti hurumende inofanirwa kutanga yawanira vanhu ava kwekuenda isati yaputsa zvivakwa zvavo.