WASHINGTON DC —
Vakafanobata chigaro chasachigaro wekanzuru yavanasorojena mubato reMDC T, kana kuti Guardians Council, Amai Sekai Holland, vasangana nemutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, vakakurukura nyaya dzavanoti dzine chekuita nebato ravo.
Amai Holland vanoti VaTsvangirai ndivo vakavadaidza kumusangano uyu neMugovera, asi vakanga vakabatikana, izvo zvazoita kuti vasangane nemutungamiri wavo neChipiri.
Amai Holland vanotiwo mushure mekuita musangano naVaTsvangirai, vazosanganawo zvakare naVaTendai Bbiti, avo vari kutungamira chikwata chiri kuda kuti hutungamiri hweMDC T hushandurwe. Chikwata ichi chinozviti MDC Renewal Team.
Amai Holland, avo varamba kuti misangano yavo nevarume vaviri ava ine chekuita nehurukuro dzekutsvaga kugadzikana mubato iri, vanoti basa ravanasorojena nderekungobatsira mukuyananisa nhengo dzebato
Vanotiwo havakwanisi kutaura kuti zvii zvavakurukura nevarume vaviri ava, kunze kwekungoti misangano yavo yabudirira.
Asi mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti musangano waitwa naAmai Holland naVaTsvangirai wanga uri wekuzama kusanganisa zvikwata zviviri izvi patafura kuti zvitaure, uye vanoti chikwata chavo hachisi kuzoita izvi.
Vanotiwo mutungamiri wavo, VaTsvangirai, havasi kuzofa vakamira pamberi pekomiti iri kunzi nechikata chaVaBiti ichavatonga nekutyora bumbiro rebato vachiita zvisina kubvumiranwa mubato zvinosanganisira kupinda muhurumende yemubatanidzwa.
Mutauriri wechikwata cheMDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vanoti havana ruzivo rwekuti pane misangano yekuedza kubatanidza zvikwata zviri kunetsana izvi yaitwa naAmai Holland nevatungamiri vaviri ava.
VaMafume vanotiwo kana VaTsvangirai vakaramba kumira pamberi pekomiti inoranga vanenge vatyora mitemo yebato vachaona matanho ekutora sebato.