Accessibility links

Breaking News

Nhengo Pfumbamwe dzeMDC-T Dzinowanikwa Dzisina Mhosva Yekurova VaMangoma


VaElton Mangoma
VaElton Mangoma
Nhengo pfumbamwe dzevechidiki muMDC T dzanga dzichipomerwa mhosva yekurova vakadzingwa mubato iri, VaElton Mangoma, dzawanikwa dzisina mhosva nemutongi wedare ramejasitireti muHarare, VaMilton Serima.

Vachipa mutongo wavo, VaSerima vati vhidhiyo yakaunzwa mudare ichiratidza kurohwa kwaVaMangoma nevarume vatatu musi wa 15 Kukadzi gore rino hairatidzi vapfumbamwe ava.

Vanga vachipomerwa mhosva iyi ndiVaDenford Ngadziore, VaFrancis Machimbidzofa, VaEnock Mukudu, VaSamson Nerwande, VaStefani Jahwi, VaPaul Gorekore, VaShakespear Mukoyi, VaJames Chidhakwa pamwe naVaRhino Mashaya.

Mutongi anonzi akurudzirawo mapurisa kuti asunge vatatu vari kuonekwa muvhidhiyo iyi vachirova VaMangoma.

Gweta revechidiki veMDC T ava uye vari mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti vafara zvikuru nemutongo uyu sezvo wachenura bato ravo kubva kuchimiro chemhirizhonga charange roonekwa nacho.

VaMwonzora vatiwo varume vapfumbamwe ava vari kuronga kukwira kumatare kuti varipwe sezvo vakasungwa nekugariswa mujeri vasina mhosva.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri wechikwata cheMDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vanoti vanotambira mutongo uyu asi vanoda kuona kuti vacho vari kunzi ndivo vakarova VaMangoma vari pavhidhiyo iyi vasungwa vachipihwa zvirango zvinokodzera.

VaMafume vanotiwo vachaita kuti vhidhiyo iyi iongororwe nenyanzvi kuitira kuti paonekwe kana isina kutambwatambwa nayo.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mutongi wedare ramajesitiriti muGweru, Amai Judith Taruvinga, vatara kuti mumiriri weBudiriro mudare reparamende, uye vari mutevedzeri wasachigaro wevechidki muMDC T, VaCosta Machingauta, vabvise zana remadhora sechibatiso panyaya yavari kupomerwa yekubhinya mumwe musikana anodzidza paMidlands State University.

VaMachingauta vakasungwa neChishanu chesvondo rapfuura uye vanga vakachengetedzwa kuHwahwa Prison.

Vanzi vazviratidze kumapurisa epaHarare Central Police Station kaviri pasvondo uye varambe vachigara pamba pavo kuBudiriro muHarare.
XS
SM
MD
LG