Accessibility links

Breaking News

ZUPCO Youdza Komiti yeParamende nezveHurongwa Hwekumutsiridzwa Kwayo


Komiti yeparamende yaudzwa nevakuru veZUPCO nezvehurongwa hwekumutsiridza kambani iyi
Komiti yeparamende yaudzwa nevakuru veZUPCO nezvehurongwa hwekumutsiridza kambani iyi
Kambani yemabhazi anotakura veruzhinji, yeZimbabwe United Passenger Company, kana kuti ZUPCO, inoti ine hurongwa hwekuzvimutsiridza mashandiro ekambani iyi kuburikidza nekutenga mamwe mabhazi matsva anosvika zana pagore roga roga pamwe nemarhorhi ano takura zvirimwa nezvimwe zvakadaro.

Izvi zvabuda mukoti yeparamende inoona nezvekutakurwa kwezvinhu, umo mukuru wekambani yeZUPCO, VaGeorge Masaire, vanga vachi tsanangurira komiti iyi mashandiro ari kuita kambani yavo.

Sachigaro wekomiti yeparamende iyi, vari nhengo yeZanu PF inomirira Makoni South, Muzvare Irene Zindi vanoti komiti yavo yaratidza kushushikana kukuru nemafambisirwo ari kuitwa kambani iri pasi pehurumende iyi.

Muzvare Zindi vanoti vakuru veZUPCO ava vazivisawo kuti havana hurongwa hwekuisa ZUPCO mumaoko emakambani akazvimirira, sezvo izvi zvichizoomesera varombo vanofanirwa kunge vachibatsirwa nekambani yavo.

VaMasaire vanonzi vaudzawo komiti iyi kuti pari zvino kambani yavo ine mabhazi airi kumutsiridza anodarika zvishoma mazana matatu.

ZUPCO inonzi iri kutenga mabhazi kukambani yeFAO yekuChina ichisiya anogadzirwa munyika nekambani yeDahmer W & Co.

Zvinonzi mugore ra 1980 pakawana nyika kuzvitonga kuzere, kambani iyi, iyo yainzi Salisbury United, yaive nemabhazi aidarika chiuru nemazana mashanu, asi nekuda kwehuwori pamwe nekusabatwa kwebasa zvine hunyanzvi, zvinhu zvizhinji zvaparara zvinotyisa.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG