Izvi zvichavapa mukanawekuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo mushure mekusunguswa mukuratidzira kwainge kwakarongwa neboka reNational Electoral Reform Agenda kana kuti NERA nemusi weMugovera wapfuura.
VaKasukuwere vanonzi vazivisa kuti vatora danho iri mushure mekunge vaona kuti kanzuru yeguta reBulawayo haisi kutevedzera mutemo mukufambiswa kwemabasa.
Vari kutungamira hurongwa uhwu, Bishop Ancelimo Magaya, vanotungamira zvakare Zimbabwe Devine Destiny, vanoti gwaro ravo ravasiya kumahofisi aVaMugabe iri rine zvinyunyuto zvikuru zvitatu zvinosanganisira kurudziro yekuti VaMugabe vabvumidze nhaurirano dzemapoka ose emunyika.
Chipatara cheHarare Central Hospital chakazivisa neChishanu chapfuura kuti chambomira kuvhiya varwere nekuda kwekushaikwa kwemishonga inoshandiswa mukuita basa iri pamwe nekupedza marwadzo.
Vamwe vari kuti VaChinamasa havangaiti zvavo voga, nekuti kuita izvi muhurumende yaVaMugabe kuzvisikira moto muziso. Vanoti dai VaChinamasa vakaita zvavo voga vanga dai vakatomiswa basa kare naVaMugabe.
Grobbelaar akaita mukurumbira achibatira zvikwata zvinosanganisira chenyika munguva yeRhodesia pamwe nekunge nyika yawana kuzvitonga kuzere.
Vatungamiri vemapato ose ezvematongerwo enyika vari kutarisirwa kusangana nemusi weChina muHarare kumusangano wekuzeya matambudziko ari munyika pamwe nekutsvaga nzira dzingashandiswa kuti paumbwe hurumende ichafanobata matomu kana kuti National Transitional Authority.
Mapato ezvematongerwo enyika anopikisa hurumende ari pasi peNERA abuda mumusangano wanga wakokerwa neZEC kuti vazeye zvinyunyuto zviri kugunun’unwa nevanopikisa hurumende pamusoro pesarudzo munyika.
VaChinamasa vakatiwo hurumende ichabata mitero pamari dzekubatsirikana, pamusoro pekugumura vashandi vanodarika zviuru makumi maviri mabasa senzira yekuchengetedza mari yavanoti iri kungoeredzwa nemihoro yevashandi vehurumende.
VaMugabe vanonzi vakashamisawo kana ivo VaKasukuwere nekuvabvunza nezvenyaya iyi, vachiti mashoko ari kupinda munzeve dzavo anoratidza kuti vakapa vanhu vasineyi nechekuita nevechidiki.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kushushikana nekunonoka kuyananiswa kwemitemo ine chekuita nesarudzo kuti ifambidzane nebumbiro remitemo idzva, iro rinopa kodzero yekuvhota kumwana wese weZimbabwe ane makore gumi nemasere kana kudarika.
Mutungamiri we Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure vanoti chikonzero chikuru chatadzisa vana pamwe nevarairidzi kuenda kuzvikoro inyaya yekunetsa kwemari.
Munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato mudunhu iri vaBlessing Mandava vanoti bato ravo rakwanisa kuwana gwaro rinorambidza mapurisa kuvhiringidza hurongwa hwavo kubva kudare repamusoro.
Musangano wechimakumi matatu nenhanhatu weSADC Summit wevatungamiri venyika dzemu SADC wemazuva maviri wakapera neChitatu kuSwaziland nyaya yeZimbabwe isina kuzeyiwa kana kukandwa mudariro.
Hurumende pamwe nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti vanhu vari kuratidzira ava vari kushandiswa nehurumende dzekumawirira kuti vamukire hurumende yaVaMugabe.
Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka vatenda kuti VaTsvangirai vakasangana nevakarwa hondo ava vakatungamirirwa nemunyori mukuru wesangano iri, VaVictor Matemadanda.
Mashoko eHuman Rights Watch aya anouya panguva iyo musangano weSADC Summit uri kupindwa nevatungamiri venyika dzemugungano iri watanga kuSwaziland.
Sezvakanga zvakatarisirwa kumusangano wekongiresi yebato rezapu yechisere, VaDumiso Dabengwa vakadomwa zvakare kuti vatungamire bato iri pasina avakwikwidza.
VaKunaka vanonzi vachaira VaNgadziore nhare vakatanga nekutaura zita ravo vachibva vazozivisa kuti nhasi usiku nhengo dzebato reZanu PF dzichapisa dzimba nemidziyo yevatsigiri vebato rinopikisa reMDC T.
Rodhai zvimwe