Accessibility links

Breaking News

Kotoro yeTatu Inotanga Vana veChikoro neVarairidzi Vakawanda Vachikundikana Kuenda kuZvikoro


Nhengo dzeRTUZ dzichifora dzichiratidzira
Nhengo dzeRTUZ dzichifora dzichiratidzira

Zvikoro zvavhurwa munyika kupasrura kotoro yetatu, vamwe vana vechikoro pamwe nevamwe varairidzi vachinzi vakundikana kuenda kuzvikoro zvavo.

Sangano revarairidzi reRural Teachers Union of Zimbabwe rinoti raita ongororo muzviko rakaona kuti vana vanosvika zvikamu makumi matatu kubva muzana ndivo chete vakwanisa kuenda kuzvikoro zvemabhodhingi, kuchitiwo zvikamu makumi matanhatu nezvishanu kubva muzana vevana vanopinda zvikoro zvekumaruwa ndivo vakwanisa kuenda kuzvikoro.

Mutungamiri we Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure vanoti chikonzero chikuru chatadzisa vana pamwe nevarairidzi kuenda kuzvikoro inyaya yekunetsa kwemari.

VaMasaraure vanotiwo varairidzi, zvikuru nhengo dzavo dzinoshandira kumaruwa, dziri kutyisidzirwa nevezvematongerwo enyika dzichinzi dziri kuda kubvisa hurumende nechisimba zvichitevera kuratidzira kwakaitwa nesangano ravo mwedzi wapera.

"Saka tanyorera VaChihuri kuti vaudze mapurisa avo kuti achengetedze varairidzi. Tanyorerawo kubazi rezvedzidzo nekuparamende," VaMasaraure vanodaro.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG