Masangano emakereke akabatana achishanda neZimbabwe Devine Destiny anonzi ari kuronga kusvitsa gwaro renyunyuto kumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe iro riri kuvakurudzira kuti vasiye chigaro nekuti vakundikana kutungamira nyika.
Vari kutungamira hurongwa uhwu, Bishop Ancelimo Magaya, vanotungamira zvakare Zimbabwe Devine Destiny, vanoti gwaro ravo ravari kusvitsa neMuvhuro kuna VaMugabe iri rine zvinyunyuto zvikuru zvitatu zvinoti kuparara kweupfumi, kutyorwa kwekodzero uyewo kutambura kwevanhu.
Bishop Magaya vanoti VaMugabe vanofanirwa kubvuma kuti havachakwanisi kugadzirisa Zimbabwe, vopa mukana kuvanhu vemuZimbabwe kuti vaite hurukuro inobvumidza kuti vanhu vagadzirise zvinhu pamwechete.
Vanoti kana VaMugabe vakasatambira kuti vakundikana, vemakerekere ava vachaenda kudare reparamende kuti ribvise mutungamiri wenyika pachigaro, kana kuti impeach.
Bishop Magaya vanoti vachasangana zvakare muHarare mukutanga kwaGumiguru vachitsinhira kurudziro yavo yekuti VaMugabe vabvume kuti vakundikana kufambisa nyika.
Mamwe masangano ari muhuruongwa uhwu anosanganisira reChristian Voice, Prayer Network, neZimbabwe Pastors Forum.