Mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai nemusi weChina chapfuura vakasangana nevamwe vehutungamiri hwesangano revakarwa hondo yerusununguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association vakazeya matambudziko akatarisana nenyika.
Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka vatenda kuti VaTsvangirai vakasangana nevakarwa hondo ava vakatungamirirwa nemunyori mukuru wesangano iri, VaVictor Matemadanda.
VaTamborinyoka vanoti nemamiriro akaita zvinhu munyika havaoni paine chakapia kuti vana veZimbabwe varovane masoro pamatambudziko akatarisana nenyika aya.
“Ndinoziva kuti vanhu vese vave kuziva kuti vana veZimbabwe vari kunonga svosve nemuromo, asi chave kuitika ndechekuti vana veZimbabwe vaakuungana vachikurukura vachiona kuti vangagadzirisa nyika yavo sei,” VaTamborinyoka vanodaro.
“Saka imomo mukusangana nekudaona kuona kuti vangaita sei kuti nyika yedu ifambe zvakanaka, ndo musangano wakaitwawo navaTsvangirai nevatungamiri vema war veteran.”
VaTamborinyika varamba kudura zvakabuda mumusangano uyu, kunyange hazvo vachiti zvakangokosha kuti vana veZimbabwe vazive kuti VaTsvangirai nevakarwa hondo yerusununguko ava vakasangana.
Studio 7 yakundikana kubata Vamatemadanda kanawo vamwe vesangano ravo kuti tinzwe divi ravo pamusoro pemusangano uyu.