Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Votaurawo Pamusoro peZviri Kuitika Kumusha


Pastor Kurumidzai Richard Sabvute
Pastor Kurumidzai Richard Sabvute

Mazuva ano zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika, umo vanhu vemapato ezvematongerwo enyika, vemasangano akazvimirira pamwe nevedzisvondo vari kupinda mukuratidzira vachiti hurumende yaVaRobert Mugabe isiye chigaro sezvo yatadza kutonga.

Hurumende pamwe nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti vanhu vari kuratidzira ava vari kushandiswa nehurumende dzekumawirira kuti vamukire hurumende yaVaMugabe.

Asi mashoko aya akarambwa nemizinda yeAmerica neFrance iri muZimbabwe, ichiti hurumende yave kungoda kuzora vanhu mafuta enguruve yavasina kudya.

Zvizvarwa zvezimbabwe zviri kunze kwenyika zvakawanda zvinonzi zviri kupindawo mukuratidzira uku nenzira dzakasiyanasiyana, dzakaita sekuratidzirawo munyika dzavagere, kutumira mashoko ekusimbisana nezvimwe zvakadaro.

Asi vamwe vanoti kuita kwakadai kufurira vanhu vari kumusha asi ivo vari kunze kwenyika vari kumafura mhepo asi vachi kurudzira vari kumusha kuti varatidzire kuburikidza nemadandemutande akaita se Facebook neWhatsapp.

Mumwe wevari kunze kwenyika ndiMufundisi Richard Sabvute vechechi yeZAOGA, avo vari mumusha weFrederick, muMaryland muAmerica.

Mufundisi Sabvute vanoti hapana chitsva pane zviri kuitika kumusha sezvo izvi zvakataurwa kare nebhaibheri.

"Ini samufundisi ndinoona sekuzadzisika kwezvinhu zvakawanda zvakataurwa naJesu mubhaibheri. Saka handitendi kuti chinhu chitsva chiri kuitika kuZimbabwe," vanodaro Mufundisi Sabvute.

Vanoti chinhu chakanyorwa kare mushoko raMwari kuti pachasvika mazuva ezhove-zhove, achasvika mazuva ekusagutsikana kwevanhu panyika, izvo zvichazoita kuti vasimuke vachida kunzwikwa nehurumende dzavo.

Hurukuro naMufundisi Richard Sabvute
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG