WASHINGTON D.C. —
Ruzhinji rwevanhu munyika rwuri kushamisika pamwe nekushushikana kuti sei zvinhu zvasvika pakuita manyama amire nerongo pachipatara chikuru chemunyika, cheHarare Central Hospital, icho chinonyanyozivikanwa nerekuti paGomo, pamwe nezvimwe zvipatara zvehurumende zvemunyika.
Chipatara cheHarare Central Hospital chakazivisa neChishanu chapfuura kuti chambomira kuvhiya varwere nekuda kwekushaikwa kwemishonga inoshandiswa mukuita basa iri pamwe nekupedza marwadzo yakaita sePethidine, Injectable Morphine, Fentanyl, Adrenaline nemimwe yakawanda.
Tsamba yakanyorwa nemukuru wedivi rekuvhiyiwa kwevarwere Dr. H.N. Chifamba yaizivisa kuti nezvikonzero zvekuti chipatara ichi hachichina mishonga inodiwa iyi, chave kungomirira kuvhiya madzimai anenge aenda kumateneti pamwe nedivi Intensive Care Unit.
Chipatara ichi chinoti hachisi kuwaniswa mari yakakwana kubva kuhomwe yehurumende kana kuti National Budget, izvo zvave kuita kuti chirarame nemari inobhadhariswa varwere, iyo inenge iri shoma.
Sachigaro wesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr. Rutendo Bonde vanoti munhu anofanirwa kunongedzwa padambudziko iri akarara nezamu mumukanwa igurukota rezvehutano, sezvo riri basa raro rekuona kuti zvinhu zviri kufambiswa sei muzvipatara zvehurumende.
"Ivo vanenge vachitora mishonga vacho havaoni here kuti patiri kutora pave kupera?" Dr. Bonde vanobvunza.
Doctor Bonde vanoti chimwe chiri kuitika ndechekuti hurumende iri kutungamidza mberi zvematongerwo enyika ichitadza kukoshesa hutano sezviri mubumbiro remitemo.