Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vopomera VaKasukuwere Mhosva yeKutengesa Masitendi


VaSavior Kasukuwere
VaSavior Kasukuwere

Mapoka evanhu akawanda ari kushamisika nemashoko emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avanonzi vakaudza gurukota rezvekutongwa kwematunhu uye vachiona nezvematongerwo enyika mubato reZanu PF, VaSavior Kasukuwere, pamusoro pehuwori hunonzi huri kuitwa mukupiwa kwemasitendi anofanirwa kunge achiwaniswa vechidiki veZanu PF.

VaMugabe vanonzi vakashamisawo kana ivo VaKasukuwere nekuvabvunza nezvenyaya iyi, vachiti mashoko ari kupinda munzeve dzavo anoratidza kuti VaKasukuwere vakapa vanhu vasineyi nechekuita nevechidiki, vakaita samuporofita Walter Magaya, Amai Sarah Mahoka, kusanganisira nemunin’ina waivo VaKasukuwere, VaTongai Kasukuwere.

Vemapato anopikisa vagara vari kuchema nehuwori hwavanonoti huri kuitika mukugoverwa kwemasitendi ekuvakira dzimba aya kune vechidiki veZanu PF chete, chitiko chavanoona sekutenga vechidiki ava kuitira sarudzo dza2018 dzave kuberere.

Zanu PF yakatanga chirongwa chekupa vechidiki vayo nzvimbo dzekuvakira dzimba kumaguta anoti Bulawayo, Mutare, Chinhoyi neHarare.

Munyori mukuru mubato reMDC T VaDouglas Mwonzora vanoti ndiyo nyaya yavagara vachitaura yekuti Zanu- PF inoita zvehuwori kubva.

"Zvinofanirwa kuzivikanwa ndezvekuti VaMugabe vane police, vane CIO, vanowana information saka kutobvunza kwavakaita ikoko zvinoratidza kuti vane information. Isu tinonyatsoziva kuti VaKasukuwere vari kutora land iri kumacheto kweHarare vachipa vanhu veZanu PF," VaMwonzora vanodaro.

Asi mumiriri wePelandaba/Mpopoma mudare reparamende uye vari nhengo yeZanu PF, VaJoseph Tshuma vanoti mutungamiri wenyika VaMugabe vane kodzero yekubvunza gurukota ravo chero nyaya yavanoda kunzwisisa.

"Nekuona kwangu, hapana chinhu chiri outside this world chaitwa na president kubvunza minister kuti ko nyaya yema stands iri kufamba sei because after all minister ndivo vane hofisi iyoyo inobata nenyaya yema stands acho," VaTshuma vanodaro.

Vanoti nemaziviro avo zvikuru muguta reBulawayo, masitendi aya ari kupiwa munhu wese zvisineyi nekuti unotsigira bato ripi rezvematongerwo enyika.

Vamwe vanonzi nebepanhau reHerald vakawana masitendi aya nenzira dzisina kutsarukana vanosanganisira munyori wevechidiki muZanu PF VaKudzai Chipanga pamwe nemumiriri weHarare East mudare reparamende VaTerrence Mukupe .

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora Pamwe naVaJoseph Tshuma
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG