Nhengo mbiri dzeparamende dzebato rinopikisa reMovement for Democractic Change dzinoti VaFani Munengami vekuGlen View naAmai Ronia Bunjira pamwe nevamwe gumi nevanomwe vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kudare ramajisiteririti rekuMbare.
Izvi zvichavapa mukanawekuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo mushure mekusunguswa mukuratidzira kwainge kwakarongwa neboka reNational Electoral Reform Agenda kana kuti NERA nemusi weMugovera wapfuura.
Mutongi wedare ramejastiriti kuMbare VaStan Mambanje vati VaMunengami nevamamwe vashanu vakasungwa mumusha weGlen View vabhadhare madhora mazana mana pamunhu ega ega, uye kuti vagare panzvimbo dzavakataura kumapurisa pamwe nekuti vazvipire kumapurisa kamwe chete pasvondo kudzamara nyaya yavo yatongwa.
Vatanhatu ava vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga pakuratidzira kwainge kwakarongwa neNERA, unove mubatanidzwa wemapato anopikisa anoda shanduko mumitemo yezvesarudzo.
Amai Bunjira avo vakasungwa nevamwe vanomwe mumusha weWater Falls vanziwo vabhadhare madhora mazana mana pamunhu mumwe uyewo kuti vaende kumapurisa ekuWaterfalls kamwe pasvondo pamwe nekuti vagare pavakaudza mapurisa kuti vanogara kusvika musi wa6 Gumiguru pachatanga kunzikwa nyaya yavo.
Mutongi VaMambanje varamba chikumbiro chemuchuchusi, VaDaniel Machimbiri chekuti vanhu ava vasabhadhara mari yechibatiso sezvo sangano ravo reNERA riri kuronga kuramba richiratidzira.
VaMambanje vati hapana humbowo hunoratidza kuti NERA iri kuronga kuratidzira kune mhirizhonga.
Mutongo uyu wapihwa vasungwa vasipo sezvo VaMuchimbiri vati vemajeri vange vaita dambudziko rekuvaendesa kudare.
Asi rimwe remagweta evasungwa, VaJeremiah Bamu varatidza kuti vatsutsumwa nazvo vachiti zvinoshamisa kuti hurumende inoshaya mari yekuunza vasungwa kudare asi isingashaye mari yekusunga nekuendesa vanhu kujeri.
VaBamu vatiwo kunyange hazvo dare rapa mutongo wekuti vasungwa vabhadhare mari yechibatiso sekukumbira kwavakaita, mari yacho yechibatiso yakawandisa zvikuru sezvo mari iri kunetsa mumabhanga.
Vanoti dare raifanira kubhadharisa vasungwa mari inoenderana nemawanire avo.
Rimwe remagweta evanhu ava, VaMoses Nkomo, vatiwo vamwe vavo vanogona kutadza kubuda mujeri nekuda kweshaya mari iri kudiwa.
Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC-T Engineer Elias Mudzuri, avo vange vari mudare vati bato ravo richamhanya-mhanya kuona kuti vasungwa vese vaburitswa mutirongo.
Ukuwo, mutungamiri werimwe bato rinopikisa reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume vanotiwo vari mushishi kutsvaga mari yekuti vanhu vose vakasungwa mukupera kwesvondo mukuratidzira uku vakwanise kubvisa mari dzechibatiso.
VaNgarivhume vanoti bato ravo rine nhengo dzinodarika sere dziri mukati mevasungwa vari kumiswa kumatare edzimhosva, asi pakutsvaga mari yechibatiso havasi kutarisa zvemapato kwete.
Zvichakadaro mudzimai waVaMunengami, Amai Rutendo Munengami vaudza Studio 7 kuti vanofara chose kuti murume wavo apihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso asi vati murume wavo akarohwa zvakaipisisa apo akasungwa nemapurisa.
Mune imwewo nyaya, sangano rinorwira kodzero dzemadzimai reJustice for Women rinoti harisi kufara nekushungurudzwa kuri kuitwa madzimai nemapurisa zvikuru sei pakuratidzira kuri kuitika munyika mazuvano.
Mutauriri wesangano iri, Amai Coezette Chirinda, vanoti vakadzi vakawanda vakasungwa svondo rapfuura vakarohwa zvakaipisisa vamwe vakarambidzwa kuyamwisa vana vavo vari muhusungwa.
Sangano iri rinoti riri kupa hurumende nemapurisa mazuva manomwe ekupedza kushungurudzwa kwevanhukadzi nemapurisa uye kana izvi zvikasaitika vachatanga kuratidzira kudzamara dambudziko iri rapera.
Zvichakadaro, mapurisa anodzivirira nyonga-nyonga kana kuti anti-riot police ave kugara ari mumigwagwa mizhinji muHarare zvichitevera kuratidzira kwave kugara kuchitika muHarare nemamwe maguta.
MuHarare mapurisa aya ari kugara panzvimbo dzinowanzoungana vanhu vachi ratidzira dzakaita sepadare reparamende, Africa Unity Square, Market Square pamwe nepaParkade iri munaJulius Nyerere.