Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Voshushikana neNyaya yeKurambidzwa Kuvhota


Sarudzo dzemuZimbabwe
Sarudzo dzemuZimbabwe

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kushushikana nekunonoka kuyananiswa kwemitemo ine chekuita nesarudzo kuti ifambidzane nebumbiro remitemo idzva, iro rinopa kodzero yekuvhota kumwana wese weZimbabwe ane makore gumi nemasere kana kudarika.

Vanhu ava vari kuchema kuti sarudzo dza 2018 dzatosvika ipo pasina zviri kuitwa kuti vakwanise kuvhota vari munyika dzavagere.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni mana zvinofungidzirwa kuti zviri kunze kwenyika, zvizhinji zvacho muSouth Africa.

Munyori mukuru weMDC T VaDouglas Mwonzora vanoti mapato anopikisa ari pasi pemubatanidzwa weNational Electoral Reform Agenda, NERA, ari kurwisa kuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe nekukasika sarudzo dza 2018 dzisati dzaitwa.

"Bumbiro redu rinotaura iro kuti munhu wese weZimbabwe anenge apfuura (makore) 18 ane mvumo yekuvhota, haritauri iro kuti munhu ari kunze kwenyika haabvumirwe kuvhota. Saka vanhu vari mu diaspora vaya ava vane mvumo yekuvhota. Saka zvinofanirwa kuitwa ndezvekuti tinofanirwa kuwana court case inobva ku diaspora, yekuti kodzero iyoyo inge ichigadziriswa," VaMwonzora vanodaro.

Asi hurumende iri kupomerwa mhosva yekunonoka kubatanidza mitemo yaive mubumbiro rekare neiri mubumbiro idzva, danho riri kuonekwa nevamwe senzira yekuti vanopikisa hurumende vasawaniswa mukana wekuvhota.

Vamwewo muZanu PF kusanganisira gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Muzvinafundo Jonathan Moyo negurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa vakatozivisa kare hurumende yeZanu PF haisi kuzovandudza mitemo inoita kuti ibve pachigaro.

VaMwonzora vanoti bato ravo pamwe nemubatanidzwa weNERA vari kushanda nevamwe vakomana vari kunze kwenyika kuAmerica, England neAustralia kuti vabatsirane kuburitsa vhoti yevari kunze kwenyika ivavo.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG