Accessibility links

Breaking News

Musangano weSADC Unokundikana Kuzeya Matambudziko ari muZimbabwe


Musangano weSADC
Musangano weSADC

Musangano wechimakumi matatu nenhanhatu weSADC Summit wevatungamiri venyika dzemu dzekuchamhembe kweAfruca wemazuva maviri wakapera neChitatu kuSwaziland nyaya yeZimbabwe isina kuzeyiwa kana kukandwa mudariro.

Musangano uyu wakadoma mutungamiri weSwaziland Mambo VaMswati vetatu sasachigaro, vachitevedzerwa naVaJacob Zuma vekuSouth Africa.

VaJohn Pombe Magufuli vanove mutungamiri weTanzania vakadomwa kuve sachigaro wedivi rezvematongerwo enyika pamwe nekuchengetedzwa kwenyika nekushanda pamwe, kana kuti SADC Organ on Politics, Defence and Security Cooperation, vachitevedzerwa nemutungamiri weAngola VaJose Eduardo Dos Santos.

Vemasangano akazvimirira pamwe nevemapato anopikisa vakanga vachifunga kuti musangano uyu ndiyo yaive nguva yakakodzera yekuti SADC itore mukana wekuzeya matambudziko ari munyika pachitariswa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nenyaya dzezveupfumi.

sadc
sadc

Asi VaFarai Maguwu vanotungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance vanoti havaiona sangano iri richi kurukura nyaya yeZimbabwe sezvo hurumende yeZimbabwe ichizviona sekunge ndiyo zitateguru rekuchamhembe kweAfrica.

Vanoti chimwe chinogona kunge chakaitika ndechekuti SADC inogona kunge yaneta nenyaya yeZimbabwe nekuti yakanga iri mudariro kwemakore akawanda asi pasina chinobuda.

"Ndinoona sekuti SADC yasvika pakuneta nenyaya yeZimbabwe. Nyaya yeZimbabwe yanetsa SADC kubva muna 2000, iye zvino izvi aamakore gumi nematanhatu Zimbabwe ichingoramba ichi dzikira. Saka inyaya yanetsa SADC zvekuti tinorangarira kuti vanaLevi Mwanawasa vakamboedza kuti ngatiidzarisei asi vakatukwa," VaMaguwu vanodaro.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri wesangano Federation of Non-Governmental Organisations vave kusiya chigaro VaGoodson Nguni vanopokana nemaonero aVaMaguwu aya vachiti SADC haingangopindiri munyika musina mhirizhonga kana kudeurwa kweropa.

"Chekutanga ndoda kuti nditaure kuti SADC haisi hurumende yeZimbabwe. Vana veZimbabwe vakabvuma kuti vaane matongerwo avanoda ivo, vakasarudza hurumende yavanoda. Isu hatisi province yeSADC, hatitonge nyika dzevamwe vanhu. Isu hatitongwe nevamwe vanhu muno umu," VaNguni vanodarowo.

Vanoti havadi vanhu vanonyepera kuda kutsiura Zimbabwe ipo pasina zvakashata zvayaita, vachiti hurumende haisi kuuraya vanhu uye hapana vanhu vakambonzi vaurayiwa.

Hurukuro naVaFarai Maguwu pamwe naVaGoodson Nguni
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG