Nhengo dzeZanu-PF dzave kuramba kuti makomiti anotungamirwa nebato reMDC aite basa rawo kusvika racherechedza VaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika.
Apo hurumende kusvika nezuro yainge yadzinga basa vanachiremba mazana mana nemakumi matatu nemashanu basa vari kuramwa mabasa, sangano reCommunity Working Group on Health rinoti zvitunha zvave kuworera mumamochari nekushaya vanachiremba vanovhiya.
Vamwe vakuru vebato reMDC vaita musangano nemukuru wesangano reSADC, Doctor Stergomana Tax, nezvemamiriro ezvinhu munyika.
Paita ropa rakaipa pakati pehurumende nevebato rinopikisa reMDC panyaya yemari inosvika mabhiriyoni gumi nezviuru mazana matanhatu yakashandiswa nemamwe mapazi ehurumende isiri mubhajeti.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanyora mashoko padandemutande renhepfenyuro yeCNBC yekuAmerica vachiti vari kuzadzikisa zvakabvisirwa VaMugabe pachigaro.
Vanhu vanoshandisa makambani eMedical Aid kuitira kuti vazobatsirwa munguva dzekurwara vari kusangana nematambudziko kuzvipatara nepakutenga mishonga nokuti vari kunzi vabhadhare mari yakawandisa.
Nhasi bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa raita musangano muPretoria wange wakanangana nekuzeya matambudziko ari muZimbabwe uye kuti angagadziriswe sei.
Mutori wenhau, Doubt Asima, uyo akaburitswa pamufananidzo achibatsira vamwe ambuya vainge varohwa nemapurisa muHarare paida kuratidzira bato reMDC muna Nyamavhuvhu, amiswa pamberi pedare ramejastiriti
Dare reHouse of Representatives ratanga nhasi kunzwa nyaya iri kupomerwa mhosva mutungamiri wenyika VaDonald Trump yekutyora mutemo nekuita zvehuori kana kuti impeachment.
Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, nemusi weChina vari kutarisirwa kuparura bhajeti ravo regore rinouya.
Sachigaro weHSB Doctor Paulinus Sikosana vanoti kutongwa kwavanachiremba kunogona kutora nguva sezvo hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende iri kubatsira kuchuchisa isina vanhu vakakwana panguva ino.
Vamwe vashandi vekambani yeBoustead Beef Zimbabwe iyo yakanyorerana chibvumirano neCold Storage Company chekuyedza kumutsa kambani iyi.
Bazi rezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department rinoti munzvimbo zhinji dzenyika munenge muchinaya mvura kutanga svondo rino rose.
Grain Millers Association of Zimbabwe iri kuyambira kuti mutengo wechingwa uri kutarisirwa kukwira zvakanyanya svondo rino.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavandudza dare ravo remakurukota nemusi weChishanu vachiwedzera rimwe bazi nekubvisa Amai Prisca Mupfumira avo vari kupomerwa mhosva dzekuita zvehuori.
Bazi reUnited Nations Office for the Coordination of Humanitarian Affairs rinoti nyaya yenzara iri kukonzera kuti vamwe vana vatadze kuenda kuchikoro munzvimbo dzakawanda.
ZIMPARKS inoti vanhu makumi matatu nevatatu vakaurayiwa nemhuka dzemusango gore rino sezvo dzakawanda dzacho dzave kutiza munzvimbo madzinogara nenzara yakonzerwa nekusanaya kwemvura dzichienda kumisha yevanhu.
Dare repamusoro soro reConstitutional Court rarasa nyaya yainge yakwidzwa kudare iri nemutungamiri webato reMDC-T Doctor Thokozani Khupe yekuti vainge vadzingwa mudare reparamende zvisiri pamutemo muna 2018.
Bhanga guru renyika razivisa nhasi kuti kutanga musi wa11 Mbudzi munyika munenge mave neimwe mari inenge ichishandiswa pamwe chete nemari iripo kare.
Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti hupfumi hwenyika huchaderera gore rino nezvikamu makumi matanhatu nezviga zvishanu kubva muzana kana kuti 6.5%.
Rodhai zvimwe