Accessibility links

Breaking News

Dare reHouse of Representative Rotanga Kunzwa Nyaya Yekuti VaTrump Vakatyora Mutemo Here?


VaDonald Trump

Komiti yedare reHouse of Representatives yatanga kunzwa nyaya iri kupomerwa mhosva mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, yekutyora mutemo nekuita zvehuori kana kuti impeachment.

VaTrump vanonzi vaida kumanikidza Ukraine kuti ivabatsire kuongorora mhuri yaVaJoe Biden avo vari kutarisirwa kukwikwidzana navo musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya.

VaTrump vanonzi vaida kuti Ukraine iite izvi isati yawana rubatsiro kubva kuhurumende yeAmerica.

Asi VaTrump vanoti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Vapa huchapupu mumwe mukuru kumuzinda weAmerica kuUkraine VaWilliam Taylor uye mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwer nyika VaGeorge Kent.

Vange vachitungamira bato remaDemocrats mukubvunza vatatu ava ndiVaAdam Schiff vanova sachigaro wekomiti yezvekusora iri kuferefeta nyaya iyi.

Bato reRepublican Party range richitungamirwa naVaDavine Nunes avo vati nyaya iyi kutungana kwembudzi.

VaSchiff naVaNunes
VaSchiff naVaNunes

Munhoroondo yeAmerica, vatungamiri vaviri chete ndivo vakatongwa nedare reHouse of Representatives nekutyora mutemo.

Vakatongwa ava ndiVaAndrew Johnson naVaBill Clinton.

Mumwe mutungamiri wechitatu, VaRicahrd Nixon, vakabva vasiya basa muna 1974 apo nyaya iyi yainge yave kutsviriridza.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG