Accessibility links

Breaking News

Mumashoko Kunhepfenyuro yemuAmerica VaMnangagwa Vanoti Vari Kuzadzikisa Zvakabvisirwa VaMugabe


Apo Zimbabwe yasvika makore maviri vaive mutungamiri wenyika muchakabvu VaRobert Mugabe vabviswa pachigaro nechisimba nemauto, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanyora mashoko padandemutande renhepfenyuro yeCNBC yekuAmerica vachiti vari kuzadzikisa zvavakatorera masimba.

Vanoti vari kubvisa mitemo yose inombunyikidza vanhu yakaita seAIPPA nePOSA, kuita sarudzo dzakachena, uye vanoti vakwanisa kugadzirisa nyaya yebhajeti renyika sezvo kare hurumende yaigara ichishandisa mari yaisina.

Gurukota rinnona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti ichokwadi kuti hurumende yaVaMnangagwa iri kuvandudza zvinhu zvakawanda munyaya dzemitemo.

Asi mukuru weMISA Zimbabwe VaTabani Moyo vanoti muromo hauzarirwe nerwizi sezvo pasina zvakawanda zvavandudzwa nehurumende.

Ko veruzhinji vanoti kudii nemashoko aVaMnangagwa aya? Vanhu vane maonero akasiyana asi vakawanda vataura neStudio 7 vanoti hupenyu munyika hwatoomesesa zvikuru munyaya dzezvehupfumi.

Semuenzaniso, vanoti zvinhu zvave kudhura, mari, mvura nemagetsi zvichishaikwa zvakanyanya. Vakawanda vanoti mabasa akavimbiswa naVaMnangagwa zvingori zviroto chete.

VaTungamirai Mapingure, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika kubva pakabviswa VaMugabe.

Mumwe mushandi wehuremende anodzidzisa kumaruwa mudunhu reMasvingo, aramba kudomwa nezita nekutyira hupenyu hwake anoti vanhu vakafarira n’anga neinobata mai.

Amai Simbai Moyo vanoti hurumende iripo yakatonyanyisa pakudzinyirira vanhu sezvo ichirambidza vanhu kuratidzira uye kurova nekusunga vanenge vaita izvi ichishandisa nemauto nemapurisa.

Asi vamwe vanotsigira hurumende, VaTendai Muguriri vanoti hurumende iri kuvandudza hupenyu hwevanhu nekugadzirisa hupfumi hwenyika asi zvichatora nguva.

Vakawanda vataura neStudio 7 vati vari kunonga svosve nemuromo uye havasi kuona huori huchirwiswa zvezvakavimbiswa nevakatora matomu nechisimba ava.

Vanoti kuramwa mabasa kwavanachiremba nevamwe vashandi vehurumende munongedzo wekuti nyika iri panyanga dzamushore.

Asi gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti hupfumi hwenyika hwange hwananga kumawere uye zvichatora nguva kuhugadzirisa.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG