Hurumende inonzi yadzinga basa vana chiremba mazana mana nemakumi matatu nevashanu basa vari kuramwa mabasa pakusvika mukuvira kwezuva remusi weChitatu.
Madhokotera aya ari kudzingwa basa zvichitevera kuwanikwa vaine mhosva yekutyora mitemo yebasa nekomiti inoranga vanokanganisa pamabasa.
Sangano reHealth Service Board rinoti madhokotera aya arikudzingwa basa pachitevedzwa mitemo inobata vashandirwi nevashandi vavo.
Sangano reCommunity Working Group on Health rinoti zvitunha zvave kuworera mumamochari emuzvipatara zvehurumende nekushaya vanachiremba vanovhiya kuti pabude chirwere chinenge chapa kuti murwere afe.
Sachigharo wesangano reHealth Service Board, Dr. Paulinus Sikosana, vaudza Studio 7 kuti matare ekunzwa mhosva dziri kupomerwa vanachiremba ava kuzvipatara zvavo ari kuenderera mberi uye vakawanda vari kutarisirwa kudzingwa basa pamusoro pevadzingwa basa ava.
Panyaya yekuti ndiyani achatora mabasa evari kudzingwa ava, Dr. Sikosana vati vainge vanyora tsamba kumunyori mubazi rezvehutano, Dr. Agnes Mahomva, kuti vaone kuti zvipatara zvingashande sei.
Asi Dr. Mahomva vange vasiri kudaira nharembozha yavo,apo taedza kunzwa divi ravo.
Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa musi wa 3 Gunyana vachiti mari dzavari kutambiriswa hadzisi kuvakwanira.
Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti vamwe vanhu vave kungorwara nekufira kumba vamwe vachienda kuzvipatara zvinenge zvichiri kushanda zvakaita seKaranda Hospital kuMt Darwin.
Facebook Forum