Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vanoti Hupfumi hweNyika Huchaderera Gore Rino


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti hupfumi hwenyika huchaderera gore rino nezvikamu makumi matanhatu nezviga zvishanu kubva muzana kana kuti 6.5%.

Izvi vanoti zviri kukonzerwa nenyaya yekusanaya zvakanaka kwemvura uye kushomeka zvakanyanya kwemagetsi. VaNcube vataura mashoko aya kuVictoria Falls uko kuri kuitwa musangano wekuzeya bhajeti regore rinouya nenhengo dzedare reparamende.

Muzvinafundo Ncube vati havo vari kutarisira kuti hupfumi hwenyika huchawedzera nezvikamu zvitatu kubva muzana gore rinouya.

Vayambirawo kuti hurumende inogona kudzima gwenya remagetsi rekuKariba kana mvura ikasaturuka nechimbi chimbi. Ko chii chiri kupa kuti hupfumi hwenyika hunange kumawere? Vamwe vanoti zviri kukonzerwa nezvirango vamwe vachiti kutadza kutungamira.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University Muzvinafundo Gift Mugano vanoti munyika munoda nhaurirano uye gwara rakajeka panyaya dzezvehupfumi.

Muzvinabhizimisi vari nhengo yeZanu-PF VaGilbert Muponda vanoti imwe vanhu munyika havasi kuita mubatira pamwe chuma chemuzukuru vachiti pane vamwe vari kuda kuti hurumende ikundikane.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG