Accessibility links

Breaking News

Hofisi yeMuhuchusi Mukuru weHurumende Yobatsira Kutonga VanaChiremba Vari Kuramwa Mabasa


Sachigaro weHealth Service Board Doctor Paulinus Sikosana vanoti kutongwa kwavanachiremba kunogona kutora nguva sezvo hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende iri kuvabatsira kuchuchisa isina vashandi vakakwana panguva ino.

Dr Sikosana vaudza Studio 7 kuti vadaidza hofisi iyi sezviri mubumbiro remutemo wevashandi kana kuti Labour Act.

Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa musi we3 Gunyana vachiti vanoda kuwedzerwa mari uye kusvika parizvino padzingwa mabasa vanachiremba mazana maviri negumi nevaviri neHSB.

Gurukota rinoona nezvehutano Doctor Obadiah Moyo vaudza Studio 7 kuti itaure nevanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi ravo VaDonald Mujiri avo tisina kukwanisa kubata.

Mashoko aDoctor Paulinus Sikosana
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vakafanobata chigaro chemunyori wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Tawanda Zvakada vanoti nhaurirano dzichiri kuenderera mberi kunyangwe vamwe vavo vakadzingwa basa uye veCommunity Working Group on Health vari kumbobatsira kuyananisa.

Hurukuro naDr Tawanda Zvakada
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG