Sachigaro weHealth Service Board Doctor Paulinus Sikosana vanoti kutongwa kwavanachiremba kunogona kutora nguva sezvo hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende iri kuvabatsira kuchuchisa isina vashandi vakakwana panguva ino.
Dr Sikosana vaudza Studio 7 kuti vadaidza hofisi iyi sezviri mubumbiro remutemo wevashandi kana kuti Labour Act.
Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa musi we3 Gunyana vachiti vanoda kuwedzerwa mari uye kusvika parizvino padzingwa mabasa vanachiremba mazana maviri negumi nevaviri neHSB.
Gurukota rinoona nezvehutano Doctor Obadiah Moyo vaudza Studio 7 kuti itaure nevanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi ravo VaDonald Mujiri avo tisina kukwanisa kubata.
Asi vakafanobata chigaro chemunyori wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Tawanda Zvakada vanoti nhaurirano dzichiri kuenderera mberi kunyangwe vamwe vavo vakadzingwa basa uye veCommunity Working Group on Health vari kumbobatsira kuyananisa.
Facebook Forum