Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanovandudza Zvishoma Dare Ravo reMakurukota


VaEmmerson Mnangangwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavandudza dare ravo remakurukota nemusi weChishanu vachiwedzera rimwe bazi nekubvisa Amai Prisca Mupfumira avo vari kupomerwa mhosva dzekuita zvehuori.

VaMnangagwa vawedzerawo vamwe vatevedzeri vashanu muhurumende yavo.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaudza Studio7 paWhatsApp kuti ichokwadi kuti VaMnangagwa vavandudza dare ravo remakurukota.

Bazi idzva raumbwa rine chekuita nezvekumaruwa iro radomwa VaDaniel Garwe kuti vave gurukota.

Vaimbova gurukota rezvekutengeserana, VaNqobizitha Mangaliso Ndlovu, ndivo vatora chigaro chaAmai Mupfumira kubazi rezvekushanyirwa kwenyika.

Vanga vari gurukota rezvevashandi, Doctor Sekai Nzenza, ndivo vatora chigaro chainge chiina VaNdlovu kubazi remaindasitiri.

Vanga vari gurukota rezvedzidzo, VaPaul Mavima, ndivo vave gurukota rezvevashandi, basa ranga richiitwa naAamai Nzenza.

Vange vari gurukota rezvemukati menyika, VaCain Mathema, ndivo vapihwa basa range richiitwa naVaMavima kubazi rezvedzidzo.

Vange vari gurukota rezvebazi rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaKazembe Kazembe, ndivo vava gurukota rezvemukati menyika, basa ranga richiitwa naVaMathema.

Amai Jenfan Muswere ndivo vave gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko.

VaMnangagawa vawedzerawo vatevedzeri vemakurukota mashanu anoti rezvekudyidzana nedzimwe nyika, madzimai, maruwa, dzidzo yepamusoro uye bazi rezvemari.

MAKURUKOTA:

Nqobizitha Mangaliso Ndlovu - Minister of Environment

Dr. Sekesai Irene Nzenza - Minister of Industry and Commerce

Professor Paul Mavima - Minister of Public Service

Ambassador Cain Mathema - Primary and Secondary Education

Kazembe Kazembe - Minister of Home Affairs

Jenfan Muswere - Min of Information, Communication Technology

Daniel Garwe - National Housing and Social Amenities

VATEVEDZERI VEMAKURUKOTA

Marian Chombo - Deputy Minister of Local Government

David Musabayana - Deputy Minister of Foreign Affairs

Jennifer Mhlanga - Deputy Minister of Women Affairs

Yeukai Simbanegavi - Deputy Minister of National Housing

Dingumuzi Phuti - Deputy Minister of Information, Communication Technology

Raymore Machingura - Deputy Minister of Higher Education

Tinoda Muchakarika - Deputy Minister of Youth, Sports and Culture

Clemence Chiduwa - Deputy Minister of Finance

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG