Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Voparura Bhajeti neMusi weChina


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, nemusi weChina vari kutarisirwa kuparura bhajeti ravo regore rinouya.

VaNcube vari kutarisirwa kuparura bhajeti remari inosvika mabhiriyoni makumi maviri nemasere emaRTGS.

Gore rapera, hurumende yakaparura bhajeti remabhiriyoni gumi nemasere nezviuru mazana matatu zvemaRTGS.

Asi sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, munyika hamuna kuwirirana kuti bhajeti iri richaunza chouviri kunyika here kana kuti kwete.

Vachitaura nebepanhau reSunday Mail, Muzvinafundo Ncube vakati bhajeti iri rinenge rakanangana nekukudza hupfumi kwete regore rino rainge rakanangana nekusunga dzisimbe.

Asi rwendo rwuno vanoti vanoda kuti zvive nyore kutanga mabhizimisi munyika, kuwanisa vanhu mabasa uye kusimudzira vari kumaruwa.

Vaimbova gurukota rinoona nezvemari muhurumende yemubatanidzwa vari nhengo yeMDC, VaTendai Biti, vanoti vakabva nako kumhunga hakuna ipwa.

Asi mumwe muzvinabhizimisi vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti VaNcube vanokwanisa kuvandudza zvinhu.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti sevashandi havana havo chavari kunyanya kutarisira kubva kubhajeti.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, vanoti chavari kuda kuti chigadziriswe naVaNcube inyaya yemitengo yoramba ichiita chamurambamhuru.

VaMurefu vati VaNcube vanofanirawo kubvisa mutero wezvikamu zviviri pazana remadhora remari inoshandiswa nemunhu panherembozha kana pakadhi rekubhengi.

Asi VaMuponda vati mutero uyu hauna kuipa sezvo uchibatsira hurumende mukubhadhara mabhazi eZUPCO ari kutakura vanhu.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti bhajeti rinofanira kukoshesa nyaya dzezvehutano.

Kunze kwekuparurwa kwebhajeti nemusi weChina, veruzhinji vakamirira kuona kuti nhengo dzeMDC dzichabuda here mudare dzichiratidza zvekare kusacherechedza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, dzichiti vakasarudzwa zvehukopokopo.

Asi VaMnangagwa vanoti vakasarudzwa zviri pamutemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG