Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Matatu neVatatu Vourayiwa neMhuka, Uku Nzou Zana neShanu Dzichifawo neNzara


Nzou dzofa nekushaya mvura

Zimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority inoti vanhu makumi matatu nevatatu vakaurayiwa nemhuka dzemusango gore rino sezvo dzakawanda dzacho dzave kutiza munzvimbo madzinogara nenzara yakonzerwa nekusanaya kwemvura dzichienda kumisha yevanhu.

Nzou dzinodarika zana neshanu dzafawo uye mhuka dzinosanganisira mbizi, mhara, mvuu neshiri dziri kufa nekuda kwekushaya mvura nechikafu.

Dambudziko iri rinonzi ranyaya kupararira munzvimbo yeMana Pools pedyo nemuganhu weZambia nechekumaodzanyemba kwenyika uye kuHwange National Park.

Nzara iyi yave kumanikidza veZIMPARKS kuti vachere zviborani nekutsvaga chikafu chekupa mhuka dzemusango idzi.

Mutauriri weZIMPARKS, VaTinashe Farawo, vanoti vari kutarisira kuti mvura itange kunaye kuti mhuka dzirarame.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG