Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanirwa kudoma mutevedzeri wemutungamiri wenyika anovabatsira kwete kuita mutevedzeri anongogara achingowana mbiri VaMugabe vachifa nebasa voga.
Hurumende inoti veruzhinji havafanirwe kutya zvichitevera mashoko ekuti pane mudzidzi wepa Harare Polytechnic anobva ku Democratic Republic of Congo akachengetedzwa pa Wilkins Hospital muHarare mushure mekufungidzirwa kuti ane Ebola.
Zimbabwe yatanga neChitatu musangano wemazuva matatu wekuzeya zviwanikwa zviri munyika.
Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, neChipiri vange vari kuMazowe papurazi ravo rinochengetwa nherera vachiita musangano nevatungamiri vemachechi vakasiyanasiyana.
Vana chiremba vemuzvipatara zvehurumende vakatanga kuramwa mabasa neChina, vakabvuma neSvondo kudzokera kubasa kuitira kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe nehurumende mukati memasvondo maviri.
Kuratidzira uku kunonzi kwapararirawo kuzvipatara zveHarare Hospital neMpilo Hospital kuBulawayo.
Gwaro raburitswa nemasangano maviri anoti reReseach and Advocacy Unit neZimbabwe Human Rights NGO Forum riri kuti munyika muchaita kusagadzikana kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakayera vasiya chigaro nekuti hazvina kujeka kuti ndiyani anotora chigaro chavo kana pachitariswa bumbiro remutemo wenyika uye rebato ravo reZanu-PF.
Sangano reInternational Crisis Group rinoti Zimbabwe yananga kumawere sezvakaita dzimwe nyika dzakundikana zvachose dzakaita seSomalia nenyaya yehumbimbindoga munyaya dzezvematongwero enyika.
Magweta esangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights aenda kudare repamusoro senzirai yekuyedza kumisa Epworth Local Board kupwanya dzimba dzevanhu.
Zvinhu zvaramba zvakaita manyama amire nerongo muhurumende yeZimbabwe nenyaya yekutadza kubhadhara zvikwereti zvopa kuti vamwe vatore mari kana midziyo yehurumende vachishandisa matare.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kunetsana mu Zanu-PF panyaya yekuti ndiyani achatsiva mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yave kupinza hurumende yeAmerica mushure mekunge mapapenhau eSunday Mail neHerald aburitsa nyaya inoti America iri kushanda nedzimwe nhengo dzeparamende dzeZanu-PF neMDC-T mukufukura hapwa dzeZanu PF
Dare reEuropean Court of Justice neChina rapa mutongo wekuti zvirango zvakatemerwa vaiva mutevedzeri wegurukota rezvehupfumi uye vari muzvinabhizimisi, VaAguy Georgias, muna 2007, zvainge zviri pamutemo.
Mauto emuchadenga eZimbabwe neNamibia neChitatu ange achidzidzira nekukwenenzvera kuita mushandira pamwe mukurwisa nemuchadenga kuNyanga.
Nyika dzemuAfrica nemasangano anopa rubatsiro anoti nyika dzakabudirira dzinofanira kuwedzera rubatsiro kunyika dzekumawirira kwe Africa dzawirwa nedambudziko nechirwere che Ebola.
Sangano reInternational Monetary Fund, IMF, riri kutumira nhumwa dzaro munyika svondo rino kuzoongorora chirongwa chePtaff Monitored Progam.
Mutungamiri weMavambo Kusile Dawn, VaSimba Makoni, vanoti kunyange vamwe vanhu vashoma mubato ravo vari kuti vanofanira kupinda musarudzo vakazvimirira semutungamiri kwete kutsigira vamwe sezvavakaita musarudzo dzegore rapera, vacharamba vachibatana nevamwe kana vaona zvakakodzera.
Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti China iri kutsika madziro ichiti Zimbabwe inofanirwa kubhadhara zvikwereti zvayo kana ichida kuchengetedza hukama hwayo nenyika iyi.
Mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, NCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti havana hurongwa hwekupinda mumusangano uri kurongwa nevemachechi nemapato akazvimirira oga kana kuti National People’s Convention kana chinangwa chawo chiri chekuda kuzoumba bato rezvematongerwo enyika.
Kunetsana mubato reZanu-PF kuri kuenderera mberi kunyange hazvo mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vakayedza kupindira kuti kukandirana makobvu nematete uye kudzingana pazvigaro kumbomira
Rimwe gweta remuAmerica rakumbira matare edzimhosva munyika iyi kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vape huchapupu pavhidhiyo apo vachange vari muAmerica kutanga musi 17 Gunyanya.
Rodhai zvimwe