Zimbabwe yatanga neChitatu musangano wemazuva matatu wekuzeya zviwanikwa zviri munyika.
Musangano uyu uri kuzeyawo hupfumi hwenyika uye nyaya yekuwana zvikwanisiro zvekuti vanhu vakwanise kuchera zvicherwa.
Musangano uyu une nyanzvi munyaya dzezvekuchera zviwanikwa kubva muAfrica, America, Europe, Australia nedzimwe nyika.
Pari zvino zvicherwa ndizvo zviri kuunza mari yakawanda munyika.
Asi zvinhu zvinenge zvisina kumira zvakanaka munyaya yezvicherwa iyi.
Huwandu hwegoridhe hunonzi hwakaderera nezvikamu makumi maviri nezvitanhatu kubva muzana kubva muna Ndira naChikunguru gore rino zvichienzaniswa negore rapera.
Asi zvinhu zvinonzi zvanyanya kuita manyama amire nerongo kumangoda uko kunonzi mari yange ichitengwa mangoda yadonha kubva pamadhora mazana matanhatu nemakumi mashanu emamiriyoni kusvika pamadhora mamiriyoni nemakumi masere nemasere.
Zvinonzi hakuchina vanhu vakawanda kubva kuIndia, China, Belgium, neUnited Arab Emirates vari kutenga mangoda aya. Nyanzvi dzinotiwo mangoda aya ave kuita achiita mashoma.
Chipangamazano cheKimberly Process, kana kuti Kimberly Process Focal Point, VaShamiso Mtisi, vanoti Zimbabwe inofanira kujekesa nyaya yemangoda.